Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Voramba Kuti Vanotenga Mari Yekunze neMutengo Uri Pasi kuRBZ Asi Vachidhurisa Zvinhu


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Vamwe vemabhizimisi vanoti mitero yavanozobhadhara iri kupa kuti vadhurise zvinhu kunyange hazvo vari kuwana mari yekunze nemutengo wakati dererei pamusika wemari kana kuti Foreign Currency Auction zvichienzaniswa nepamusika wemukoto.

Musika uyu wakaparurwa neReserve Bank of Zimbabwe gore rapera kuyedza kudzikamisa dhora remunyika nemitengo yezvinhu. Asi rimwe sangano revemabhizmisi reZimbabwe National Chamber of Commerce nevamwe munyika vari kuchema chema kuti musika uyu wave kushandiswa zvisizvo nevamwe.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe Doctor Israel Murefu vanoti kuwana mari pamusika wemari wakaparurwa neRBZ hakureve kuti mitengo inobva yaderera nekuti pane zvimwe zvinotengwa munyika nekunze nemutengo wakakwirira zvakanyanya. Asi vanotiwo kana paine vari kudhurisa zvinhu zvisina mwero vari kukanganisa.

Vachitaura nebepanhau repadandemutande reInternet reNew Zimbabwe.Com, mutungamiri weZNCC VaTinashe Manzungu vakashora vemabhizimisi vari kushandisa musika wemari yekunze zvisizvo nekudhurisa zvinhu vakati vanofanira kutorerwa matanho akasimba.

Makambani ari kuwana mari pamusika uyu anosanganisira Blue Ribbon Foods, National foods, Dairibod, Inscor, United Refineries, Dendairy, Colcom nemamwe. Musika uyu unoitwa chipiri choga choga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti dambudziko rekudhurisa zvinhu chave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

Asi vatiwo nyaya yekuti mari iri kutengeswa kuRBZ nemutengo usiri kutambirwa nevamwe vane mari vakaita sevari kutumirwa mari nevari kunze kwenyika iri kupa kuti vasade kuendesa mari kumusika uyu zvopa kuti mari iri kupihwa vemabhizimisi ive shoma voguma vonotenga iri kudhura pamukoto.

Izvi zvinozoitawo kuti vakwidze mitengo yezvinhu. Imwe nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda vakurudzira RBZ kuti itore matanho akasimba ichishanda nebazi rezvemari kuranga vari kushandisa mari yekunze zvisizvo.

Hatina kukwanisa kubata gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya kuti tinzwe divi ravo kunyangwe tange tavatumira mubvunzo. Asi RBZ yakati iri kuferefeta vamwe vemabhanga vari kupa mari yechibatiso mamwe makambani asingakodzere kuti awane mari pamusika wemari uyu.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG