Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mamombe Vanonzi Havasi Kunzwa Zvakanaka Mujeri Mavari kuChikurubi


Joana Ruvimbo Mamombe

Mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe, avo vari mujeri reChikurubui mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kaviri nematare, vanonzi havasi kunzwa zvakanaka.

Muzvare Mamombe nemutevedzeri wasachigaro mubato revechidiki reMDC Alliance Youth Assembly, Muzvare Cecilia Chimbiri, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo ine chekuita neCovid-19 vachinzi vainge vataura nevatori venhau panze pedare ramejastiriti muHarare.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kuishamisika kuti sei vamwe kubato riri kutonga reZanu-PF vari kuita misangano vasiri kusungwa.

Masangano akaita seAmnesty International neHuman Rights Watch ari kupomera hurumende mhosva yekushandisa denda reCovid-19 kudzvinyirira vanopikisa.

Asi gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vanot mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani.

Majeri emuZimbabwe anogara akazarisa zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano zvinoisa vasungwa munjodzi.

Svondo rapera vasungwa zviuru zvitatu vakaregererwa nemutungamiri wenyika senzira yekupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Asi sezvo mumajeri mainge muine vasungwa zviuru makumi maviri nevaviri kana kuti 22 000 kwete zviuru gumi nezvinomwe kana kuti 17 000 zvinotarisirwa, achiri akazarisa.

Hatina kukwanisa kubatawo mutauriri wevemajere, Superintendent Meya Khanyezi, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Munyori anoona nezvemagariro evanhu muMDC Alliance, Muzvare Maureen Kademaunga, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuna Muzvare Mamombe.

Ngatinzweyi hurukuro yavaita naBlessing Zulu weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG