Accessibility links

Breaking News

Musika weVictoria Falls Stock Exchange Wotadza Kukwezva Mabhizimisi eKunze


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Hurumende ichiri kutsvaga nzira dzekukwezva vekunze vanoda kuuchika mari dzavo munyika kuburikidza nemusika weVictoria Falls Stock Exchange (VFEX) asi makambani akawanda anoti haana chivimbo chekuti vanozowana mari yavo yekunze kana vave kuida.

Musika uyu wakaparurwa gore rapera muna Gumiguru negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli, vachiti waizobatsira vekunze vainge vachichema chema kuti vawane mari yavo yekunze zviri nyore kubva muna 2016.

Izvi zvinotevera danho rainge rotorwa nemakambani akawanda kubvisa mari yavo paZimbabwe Stock Exchange vachiti vaikundikana kuwana mari dzavo kana voda kuishandisa.

Kubva muna Nyamavhuvhu kusvika Gumiguru makambani ekunze ainge atengesa "mashares" awo paZSE anosvika zvikamu makumi masere kubva muzana kana kuti 80% vachishandisa mukana wakaunzwa nemusika wekutengeserana mari yekunze kana kuti Foreign Exchange Auction wainge waparurwa muna Chikumi neReserve Bank of Zimbabwe.

Victoria Falls Stock Exchange rimwe bandiko reZSE asi richitendera makambani kuti atengeserana nemari yekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi musangano reLabor and Eonomic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvinhu hazvisi kunyatsofamba paVFEX nekuti Zimbabwe inoramba ichingovandudza mitemo yezvehupfumi zvinovhundutsa vemabhizimisi vekunze.

Mashoko aya atsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vati vakawanda vachiri kuzengurira nekuda kwekusagadzina kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi uye sarudzo dziri kutarisrwa kuitwa muna 2023.

Vatiwo zita reZimbabwe richiri rakasviba kunze zvinopa kuti vakawanda vafunge kaviri vasati vauya kuzoisa mari yavo pamusika weVFEX.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti vanovimba kuti mamwe makambani makuru akambomiswa kutengesa pamusika weZSE naVaNcube akaita seOld Mutual nePretoria Portland Cement achaendeswa kuVictoria Falls.

Makambani aya ari kupomerwa mhosva yekuburitsa mari yekunze munyika zvisiri pamutemo.

Mukuru weZSE, VaJustin Ngoni, vanoti kuti zvinhu zvinyatsofamba pamusika weVFEX panoda homwe yemari inosvika mamiriyoni matatu ekuAmerica kana kuti US$3 million inoshandiswa sechibatiso kuitira kuti vanenge voda mari dzavo vadziwane nyore.

VaNgoni vanoti vari kuumba homwe iyi vachishanda nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG