Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yopomera Zimbabwe Mhosva yeKuponda Vanhu Gumi Munguva yeCovid-19


Zimbabwe National Army

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International nemusi weChitatu rakaburitsa gwaro riri kupomera hurumende yeZimbabwe mhosva yekuponda vanhu gumi munguva ino apo pasi rose riri kurwisa denda reCovid-19.

Gwaro iri rakanzi 2020/21: The State of the World's Human Rights riri kutarisa mamiriro akaita kodzero dzevanhu pasi rino.

Vanonzi vakaurayiwa vachinzi vatyora mitemo yeCovid vanosanganisira Bhekani Moyo wekuSilobela, Levison Moyo na Paul Munakopa, veku Bulawayo, kanzura weMDC Alliance VaLavender Chiwaya, uye VaMazwi Ndlovu, vanofungidzirwa kuti vakapondwa nevatsigiri vebato reZanu PF kuPlumtree mushure mekunge vabvunza kuti sei nhengo dzemapato anopikisa dzainyimwa chikafu.

Amnesty International iri kupomera hurumende yemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa mhosva yekutumira mauto, vasori nemapurisa kunombunyikidza vanhu uye kuita vamwe kafiramberi ichihwanda nerekuti iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Vamwe vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa vanosanganisira mukoma nemunin’ina Nokuthula na Ntombizodwa Mpofu vekuBulawayo vakabatwa nemapurisa vaenda kunotenga zvekudya zvevana.

Gwaro iri rinotaurawo nezvekupambwa nekutochwa kwemudzidzi Tawanda Muchehiwa uye kwemumiri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe nevamwe vechidiki veMDC Alliance Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova.

Vasori vari kunzi Ferret Team ndivo vari kupomerwa mhosva dzekupamba nekuita vanhu vakawanda kafiramberi. Vatori venhau vanonzi vari kumbunyikidzwawo nehurumende.

Gwaro iri riri kuuya apo dare reSenate ratambira kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kuti ripe mutungamiri wenyika masimba ekusarudza vatongi vakuru vematare pasina kuti vambopepetwe nedare reparamende kana Judiciary Services Commission.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti izvi zvinopa mutungamiri wenyika masimba akawandisa asi gurukota rinoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaudza Studio7 kuti bumbiro remutemo rinoda kupota richikwenenzverwa pavanofunga kuti pakakanganiswa.

Maseneta eMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora akabatana neZanu-PF mukutambira mutemo uyu.

Hurumende inowanzorambawo nyaya yekuti inotyora kodzero dzevanhu ichiti zvinoitwa nehurumende dzekunze kuda kuisvibisa.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vavimbisa kutipa divi rehurumende panyaya yegwaro reAmnesty International asi vangavasati vaita izvi pataenda pamhepo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimrights, VaDzikamai Bere, vaudza Studio7 kuti vanowirirana nezviri kutaurwa neAmnesty International vachiti vanhu munyika vari kumbunyikidzirwa kodzero dzavo zvakanyanya.

Hurukuro naVaDzikamai Bere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG