Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeYouth Service Younza Kusawirirana Pakati peZanu-PF neMDC Allianc


Vamwe vechidiki veZanu-PF
Vamwe vechidiki veZanu-PF

Vebato reMDC Alliance neZanu-PF vave kuudzana meno amire panyaya yekudzoswa kwoitwa nehurumende chirongwa cheNational Youth Service pamberi pesarudzo dza2023.

Chirongwa chekutanga cheNational Youth Service chakaparurwa paimbova pakamba yemauto ye2 Brigade kuMt Darwin muna 2001.

Kunyangwe hurumende yaiti yaida kudzidzisa vechidiki kuti vade nyika yavo, vechidiki ava vaidzidziswa zvechiuto nevaive varwi vehondo yerusununguko, mapurisa uye mauto.

Bazi rezvevechidiki raitungamirwa nevaive gurukota rezvevechidiki mushakabvu Border Gezi rakatenda kuti raidzidzisa vechidiki zvechiuto kuitira kuti vakwanise kudzivirira nyika kana vodiwa.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti vechidiki ava vaibata chibharo uye kuita mhirizhonga vachitsigira bato reZanu-PF. Asi hurumende inoti vaizorwa mafuta enguruve yavasina kudya sezvo vamwe vacho vave kuita mabasa epamusoro muhurumende.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti chinangwa chechirongwa cheNational Youth Service ndechekuti vechidiki vade nyika yavo.

Mutauriri wevechidiki muMDC Alliance Youth Assembly, VaStephen Chuma, vanoti zviri kuitwa neZanu-PF zvakanangana nekuda kuita mhirizhonga pamberi pesarudzo dza2023.

Hurukuro naVaTafafadzwa Mugwadi naVaStephen Chuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG