Accessibility links

Breaking News

Mupunga Wotarisirwa Kuwedzerwa Mutengo Zvakanyanya Mamwe Mabhizimisi Achivhara neNyaya yeMutero


Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA yakanyora tsamba kune mumwe muzvinabhizmisi ichiti inoda mutero wemari (VAT) unosvika zviuru mazana mana nemakumi matatu nemaviri ekuAmerica kana kuti US$432 000 usina kubhadharwa kubva muna 2017.

Izvi zvinotevera chibvumirano chainge chaitwa pakati pehurumende ichitungamirirrwa nevaive gurukota rezvemari panguva iyi VaPatrick Chinamasa.

Gurukota rezvemari parizvino Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti vemabhizmisi ngavabhadhare mari dzavange vasiri kubhadhara dzemitero idzi. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZIMRA VaFrancis Chimanda kuti tinzwe divi ravo.

Asi munyori mukurumubazi rezvemari vaGeorge Guvamatanga vakaudza vatori venhau kuti hurumende yainge yabvumidza kuti vemabhizimisi vatenge mupunga usiri mumapaketi kuitira kuti vanoisa mumapaketi madiki munyika vaitewo mari. Vanoti Zimra inofanira kutora mari yemitero isina kubhadharwa kwemakore mana adarika sezvi kutaurwa naVaNcube.

Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa naVaMthuli Ncube kuti vatipe maonero avo panyaya yanetsa iyi.

Mutungamiri we Confederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vaudza Studio 7 kuti makambani akawanda achamanikidzwa kuvhara uye mupunga uchange wave kudhura zvakanyanya kana hurumende ikaramba yakatsika madziro.

Hurukuro naVaDenford Mutashu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG