Accessibility links

Breaking News

America neIran Dzopesana paNyaya yeZimbabwe paZuva Rekupemberera Kuzvitonga Kuzere


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Hurumende yeAmerica yakatumira mashoko ekukorokotedza mhuri yeZimbabwe kwete kuvatungamiri wenyika Vaemmerson Mnangangwa pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu dziri mubumbiro remitemo renyika.

Vanotiwo zvakakosha kuti muZimbabwe muitwe nhaurirano kuti muve nekubatana sezvakarwirwa nyika.

Hurumende yeZimbabwe inoti hayo America inofanira kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri venyika vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Mutungamiri weIran Hassan Rouhani
Mutungamiri weIran Hassan Rouhani

Asi mumashoko avo pazuva rekuwana kuzvitonga kuzere kwezimbabwe, mutungamiri wenyika yeIran VaHassan Rouhani vakakorokotedza VaMnangagwa vachishorawo nyaya yezvirango zvakatemerwa Zimbabwe. vakati zvirango izvo zvinofanira kubviswa.

Iran yakatemerwawo zvirango neAmerica ichipomerwa mhosva yekuda kugadzira chombo chenuclear.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG