Accessibility links

Breaking News

Mauto Manomwe eAir Force Afa Kubva Muna 2014 neNdege Dziri Kudonha


Nyanzvi munyaya dzezvekudzivirwa kwenyika uye dzematongerwo enyika dziri kukurudzira hurumende kuti ikoshese kupa bazi rezvekudzivirirwa kwenyika mari yakakwana yekutenga zvekushandisa sezvo zvinhu kudivi rekudzivirira nyika nemuchadenga kana kuti Air Force zvisisina kumira zvakanaka.

Izvi zvinotevera kudonha kwechimwe chikopokopo chemhando yeBell 412 muHarare nemusi weChishanu kanova kechitatu ndege yehondo ichidonha kubva muna2014.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika Amai Oppah Muchinguri kashiri vakati vari kuumba komiti yekuona kuti chii chakapa kutichikopokopo ichi chidonhe.

Chikopokopo ichi chakauraya vatyairi vaviri vanoti Wing Commander Thomas Tinashe Manyowa, Flight Lieutenant Anita Mapiye uye mumwe anogadzira ndege, Flight Sergeant Tinodiwanashe Chikamhi. Mumwe mwana ainge akarara mumba yakadonhera chikopokopo ichi ane makore gumi nemasere, Jade Pfenyere akashayawo.

Flight Lieutenant Anita Mapiye avo vakaenda nemutungamiri wenyika kunovhura zviri pamutemo zambuko rekuKaranda ndiwo mutyairi wechikopokopo chehondo wechidzimai wekutanga munyika.

Vanoti vakapihwa chidokwa dokwa chekuda kutyaira ndege nemudzimai wekutanga kutyaira ndege dzehondo kana kuti combat pilot Captain Chipo Matimba avo vave kutyaira ndege dzeAir Zimbabwe. Lieutenant Mapiye.

Mumwe mudzimai akave wekutangawo kutyaira ndege dzemhando yeJet ndi Squadron Leader Angelina Bosha. Chikopokopo cheBell 412 chakagadzirwa nekambani yekuAmerica yeBell Helicoptrr Textron inogadzira ndege kuDalla Fort Worth muAmerica nekuMirabel, Quebec, Canada. Ndege idzi dzinotengeswa kuEurope, Africa neMiddle East.

Asi iyi handiyo chete ndege yekutanga yeAirforce kudonha. Muna 2014 ndege yehondo yemhando yeSF-260 yakadonhawo ichangosimuka paCharles Prince Airport muHarare ikauraya vatyairi vaviri. Imwe ndege yehondo yemhando ye SF-260 zvekare yakadonha gore rapera ikauraya vamwe vatyairi vaviri vakafa kuSomabhula, Gweru. Ndege dzehondo dzesf-260 dzinogadzirwa nekambani yekuItaly inonzi Aviamilano.

Zimbabwe iri kutenga dzimwe ndege dzekudzidzisa zvechiuto dzemhando yeK-8 kubva kuChina uye ndege idzi dzakadaka kufanana nemhando yeBritish Aerospace Hawk. Ndege dzehondo dzemhando yeHawk dzakapihwa Zimbabwe nevaive mutungamiri wehurumende yeBritain Amai Margaret Thatcher muna 1980.

Asi muna 2000, bato reLabour rekuBritain rakaramba kutengesera Zimbabwe zvekugadzirisa ndege dzi kana kuti maspare parts vachiipomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Vachitaura pamberi pekomiti yedare reparamende inoona nezvebhajeti renyika gore raperas, Amai Muchinguri-Kashiri vakati ndege zhinji dzeZimbabwe dzainge dzisingashande zvakanaka nekuti dzave nemakore vakati mauto akatotadza kunobatsira vanhu pakaitika cyclone Idai nekushaya zvikopokopo zvinonyatsoshanda.

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti zvakakosha kuti mauto apihwe zvikwanisiro kuti vakwanise kuita basa nemazvo.

Hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG