Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti VaSox Chikowero Vakasungiswa neVaida Kuti Vasatungamire MDC-T


VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vari kupomera mhosva vamwe vanopikisa yekusungisa imwe nhengo yebato ravo, VaSox Chikowero, nemapurisa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, sezvo vanga vasungadaire nharembozha yavo.

VaMwonzora havana kuda kudoma vanhu ava nemazita asi vachiti vanhu ava vaisafara kuti VaChikowero vaivatsigira ivo VaMwonzora.

Asi VaChikowero vakasungwa gore rapera muna Zvita paiitwa sarudzo dzekongiresi yekutsvaga mutungamiri mutsva webato wekutsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai sezvainge zvanzi zviitwe nedare repamusoro soro.

VaChikowero vakamiswa pamberi pedare nezuro vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaChikowero, avo vanove sachigaro wesangano reGlobal Zimbabwe Forum, vange vari muhupoteri kuSouth Africa kwemakore akawanda vachiti vaityira hupenyu hwavo sezvo vainge vovhimwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG