Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Amnesty International Iri Kunyepa Mugwaro Rayo Idzva


Amnesty International
Amnesty International

Bato reZanu-PF riri kuramba mashoko ariri kupomerwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International ekuti dzimwe nhengo dzaro dzakaponda vanopikisa munguva yelockdown senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovi-19.

Izvi zviri mugwaro resangano iri rinotarisa mamiriro ekodzero dzevanhu pasi rose kana kuti 2020/21: The State of the World's Human Rights.

Vanofungidzirwa neAmmnesty International kuti vakapondwa nenhengo dzeZanu-PF ndikanzura weMDC Alliance kuMashonaland West VaLavender Chiwaya, uye VaMazwi Ndlovu, vanofungidzirwa kuti vakapondwa kuPlumtree mushure mekunge vabvunza kuti sei nhengo dzeZanu-PF dzainyima vanopikisa zvekudya.

Kunze kwevaviri ava, gwaro reAmnesty International rinotiwo vamwe vanhu vasere vakapondwa nemapurisa, vasori uye mauto.

Gwaro iri riri kuuya apo masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika uye hurumende yeAmerica neEuopean Union vatiwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vave kushandisa matare, mapurisa, vasori nemauto kuda kuparadza bato reMDC Alliance.

Asi mushandii mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti aya manyepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi munyori anoona nezvemagariro akanaka evanhu mubato rinopikisa reMDC Alliance, Muzvare Maureen Kademaunga, vanoti bato reZanu-PF riri kutonga nedemo richionesa ndondo vanopikisa munyika zvikuru nhengo dzeMDC Alliance. Ngatinzweyi hurukuro yavaita naBlessing Zlu weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG