Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mamiriyoni Matatu Vofa neCovid-19 Pasi Rose


Pasi rose, huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwadarika mamiriyoni matatu.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi inoti vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vadarika zana nemakumi mana nezviuru mazana masere zvemamiriyoni kana kuti, 140, 800 million.

MuAfrica mune vadarika mamiriyoni mana vabatwa nechirwere ichi. Vapora pasi rose vadarika mamiriyoni makumi masere kana kuti 80, million.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weMugovera kuti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuManicaland zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kuparaira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nevaviri kana kuti 1, 552.

Vanhu zana nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 165 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya huwandu hwevabatwa nacho hwave pazviuru makumi matatu nemanomwe zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 37, 699.

Vanhu makumi maviri nevana kana kuti 24 vakapora kubva kuchirwere ich zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumi matatu nemashanu nevashanu kana kuti 35, 005.

Vanhu vakabayiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga vave zviuru mazana maviri zvine makumi manomwe nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 276, 095.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kaviri sezvinokurudzirwa nenyanzvi vave zviuru makumi matatu nemashanu zvine mazana masere nevatanhatu kana kuti 35, 806.

Zvichakadaro bazi rezvedzidzo raburitsa mashoko kuvatori venhau richiti rave kusimbaradza zvirongwa zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro.

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vati zvakakosha kuti paitwe mushandirapamwe pakati pevabereki, varairidzi uye vadzidzi uye bazi rezvedzidzo richange roshanda nebazi rezvehutano kuona kuti patevedzerwa zviri kukurudzirwa kuti chirwere chisapararire.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezvehutano riri kuyambira kuti zvikoro zvisingatevedzere mitemo iyi zvinogona kuvharwa.

Munyori mukuru musangano werimwe sangano rinomiririra vararaidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaRobson Chere vanoti hurumende haisi kuita zvakakwana kuwanisira zvikoro zvikwanisiro zvekurwisa denda reCovid-19.

Hurukuro naVaRobson Chere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG