Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinoti Kudzingwa Muparamende kwaVaBiti neVamwe neVavo Hakusi paMutemo


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Dare repamusoro reHigh Court rapa mutongo wekuti kudzingwa mudare reparamende kwakaitwa nhengo dzePeople’s Democratic Party, PDP, dzakakwikwidza dziri pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance hakusi pamutemo.

Izvi zvave kureva kuti mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vanomirira Harare East, nevamwe vavo vave kudzokera mudare iri kunyange mutongo uyu uchikwanisa kukwikwidzwa mudare repamusoro soro reSupreme Court.

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vakadzinga VaBiti nevamwe vavo vashanu vanoti; VaWillias Madzimure (Kambuzuma), VaSettlement Chikwinya (Mbizo), VaKucaca Ivumile Phulu (Nkulumane), VaSichelesile Mahlangu (Pumula), uye VaRegai Tsunga (Mutasa South).

VaMudenda vakavadzinga vachiti vainge vanyorerwa tsamba naVaBenjamin Rukanda vaizviti ndivo munyori mukuru webato rePDP.

VaRukanda vaiti VaBiti nevamwe vavo vainge vabuda mubato.

Hatina kukwanisa kubata VaRukanda kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembosha yavo yange isiri kudairwa.

Asi vakambomiswa basa sameya weHarare, VaJacob Mafume, vanova nhengo yeMDC Alliance vatenda kuti mutongo uyu wapihwa uye vari kutarisira kuti nhengo dzavo dzidzokere mudare reparamende.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG