Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKubatwa neCovid-19 Hwowedzera Zvakare muZimbabwe


Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwatanga kukwira zvekare mushure mekumbodzika kwemavhiki apera.

NeMugovera bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vatatu vakafa nechirwere ichi zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete chine mazana mashanu nemakumi matatu nevasere kana kuti 1,538.

Asi mukati memazuva manomwe adarika kusvika Mugovera, vanhu gumi nevatatu kana kuti 13 vashaya nechirwere ichi zvichienzaniswa nevanhu vashanu vakafa vhiki rapera.

Vanhu zana nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 126 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemanomwe nemazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 37, 273.

Mumazuva manomqwe kusvika Mugovera chete vanhu mazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 350 vabatwa nechirwere ichi zvachienzaniswa nevanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere ichi mumazuva manomwe svondo rapera. izvi zviri kuwedzerwao nekusamira zvakanaka kwaita zvinhu muzvikoro.

Zvikoro gumi nezvishanu zvine vana nevarairidzi vakabatwa nechirwere ichi. Bazi rezvedzidzo rinoti vana vechikoro zana nemakumi matatu nevaviri kana kuti 132 vainge vabatwa nechirwere ichi pachikoro cheSacred Heart Primary neSacred Heart Girls Gigh kuEsigodini, Matabeleland South.

Zvikoro zve Girls College ne Mzilikazi Primary zvine vana vabatwawo nechirwere ichi.

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vanoti vabereki havafanire kutya hazo nekuti hurumende iri kuita zvose zvakakodzera kuti chirwere chisapararire zvakanyanya vakati hapana munhu ari kubvumidzwa kupinda pachoikoro cheSacred Heart kusvika dambudziko riripo ragadziriswa.

Zvichakadaro, vanhu makumi matatu nemumwe kana kuti 31 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vanhu zviuru makumi matatu nemana nemazana masere nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 34, 862 vapora kusvika parizvino.

Vanhu vachiri kurwara mazana masere nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 873.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vave zana rezviuru nemakumi mapfumbamwe nevatatu nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevatanhatu kana kuti 193, 936.

Vabayiwa nhomba kaviri zviuru makumi maviri nemasere nemazana manomwe nemakumi manomwe nevanomwe kana kuti 28, 797.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG