Accessibility links

Breaking News

Zvekufambisa Zvonetsa Vanhu Vakawanda muZimbabwe


Mabhazi eZUPCO anonzi ari kutadza kutakura vanhu
Mabhazi eZUPCO anonzi ari kutadza kutakura vanhu

Vanhu vakawanda mumaguta nemadhorobha madiki vari kuchema chema kuti zvinhu zvave kuramba zvichienda kumawere nekuda kwekushaya zvekufambisa zvomanikidza vashandi nevana vechikoro kuti vamanikidzirane mumotokari shoma dziripo.

Izvinonzi zvinogona kuguma zvopa kuti chirwere cheCovid-19 chipararire zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vaida kuti makombi ashande ose ari pasi peZUPCO nekuti ainge oita madiro aJojina asingatevere mutemo uye kukonzera njodzi mumigwagwa.

Asi vemakombi vakawanda vari kutsika madziro vachiti ZUPCO haibhadhare izvo zvopa kuti motokari dziri mumugwagwa dzive shoma zvikuru.

Vamwe vemakombi vave kuswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa zvapa kuti mapurisa ekuMashonaland Central aparure chirongwa chaari kuti “Operation Mushikashika” achivasunga vanhu.

Vamwe vari kutiwo mamwe mabhazi nemakombi ari kushanda neZUPCO injodzi kuvanhu inova nyaya yakambotaurwawo negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaFelix Mhona.

Mutungamiri wePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goriati, vanoti hurumende ine humbimbindoga sezvo isingaiti hurukuro nevanhu kana nemasangano anomirira vanoshandisa michovha nemabhazi zuva nezuva.VaGoriati vanoti hurumende inongotaura nevakuru ve kambani yeZUPCO chete asi zviri pachena kuti ZUPCO iri kutadza kuita basa rekutakura vanhu iri yega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG