Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Akafa neChirwere CheCovid-19 neSvondo kuMatabeleland South


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland South zvichireva kuti vanhu vafa vachiri chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe kana kuti 1,557.

Vanhu makumi maviri nevaviri kana kuti 22 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nemasere ane makumi masere nevatanhatu kana kuti 38, 086.

Vanhu makumi maviri nevaviri vakapora zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nemashanu zvine nezana nemakumi maviri nevatatu kana ktui 35, 123. Vanhu vachiri kurwara vave chiuru chimwe chete nemazana mana nevatanhatu kana kuti 1,406.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave zviuru mazana matatu nemakumi matatu nemazana matanhatu kana kuti 336, 600. Vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru makumi mashanu nematatu zvine mazana mana negumi nevasere kana kuti 53, 418.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG