Accessibility links

Breaking News

VaMalaba Vachakwanisa Kuva Mutongi Gava Here? Magweta Opesana Maonero


VaEmmerson Mnangagwa naVaLuke Malaba
VaEmmerson Mnangagwa naVaLuke Malaba

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakonzera mutauro wakanyanya munyika nedanho ravo rekutambira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo nekuwedzera makore ekuti mutongi mukuru wematare VaLuke Malaba vaenderere mberi nebasa kunyangwe vange votarisirwa kuenda pamudyandigere nemusi weMugovera.

Bumbiro remutemo rakavandudzwa raiti mutongi anoenda pamudyandigere kana asvika makore makumi manomwe asi chikamu chitsva chichangovandudzwa chinoti mutungamiri wenyika anokwanisa kuwedzera nemamwe makore mashanu kana mutongi aine hutano hwakanaka.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti nyayawo yekuti mutungamiri wenyika ndiye anenge aine simba rakawanda pakudoma vatongi iri kuburitsa pachena kuti matare aiswa mumbudu yehurumende.

Vamwe vakatokwira kumatare vachiti zvekuti VaMalaba varambe vari pabasa kutyora bumbiro remitemo.

Gweta vari nhengo yeZanu-PF VaTinomudaishe Chinyoka vanoti sezvo vakakunda musarudzo zvine mutsindo vanokwanisa kuvandudza bumbiro remitemo uye hapana chakaipa kupa mutungamiri wenyika masimba akati wandei.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachitungamira sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vanoti zviri kuitwa zvinotyora bumbiro remitemo renyika.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG