Accessibility links

Breaking News

ZIMPARKS Inoti Zviri Mugwara Kupa Marezenisi Kune Vanovhima Nzou


Hurumende inoti ichapa marezenisi mazana mashanu kuvavhimi venzou

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, kana kuti ZIMPARKS, VaTinashe Farawo, vanoti zvavari kuita zvekupa vavhimi marezinesi ekuuraya nzou mazana mashanu zviri pamutemo nekuti vakapihwa mvumo nesangano reConvention on International Trade in Endangered Species kana kuti CITES.

Vanoti panotoitwa dare kuti inzou ngani dzingavhimwe.

Nyaya yekuti pane nzou dziri kuda kuvhimwa yakonzera kushorwa kweZIMPARKS nemasangano akaita seCenter for Natural Resource Governance ari kuti mari yacho haipihwe nharaunda dzine nzou sezvinotaurwa neZIMPARKS uye kuona dzimwe nzou dzichiurayiwa kunopa kuti dzasara dzacho dzisagadzikane mupfungwa zvinozopa kuti dzide kuuraya vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG