Accessibility links

Breaking News

Chimvuramabwe Choparadza Dzimba kwaMutasa kuManicaland


Imwe mhuri yakaputsirwa imba nemvura kwaMutasa, Manicaland
Imwe mhuri yakaputsirwa imba nemvura kwaMutasa, Manicaland

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMutasa District, kumanicaland uko vanhu vakakuvara uye vamwe vakaputsirwa d dzimba nemhepo nemvura yakasimba yaive nezvimvuramambwenemusi weMugovera neChishanu.

Mhuri dzinodarika makumi mashanu nenomwe dzakaputsirwa dzimba uye vanhu vana vanonzi vakakuvara mushure mekudonherwa nematenga nemidhuri asi vose vanonzi vakaburitswa muchipatara.

Mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka vaudza Studio 7 kuti nzvimbo dzakasangana nedambudziko iri dzinosanganisira ward 10 Samaringa, ward 19 Moyo weShumba, Dombo, Ward 18 Nyakatsapa Shamu, neward 24 kwaMapara.

VaSaruwaka vanoti misha mizhinji haichina matenga uye madiridziro neminda zvakaparadzwa. Hofisi yaMudzviti munharaunda iyi iri mushishi kunyora mazita evakaparadzirwa misha uye vamwe vange vatopihwa matende.

Hurukuro naVaTrevor Saruwaka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG