Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMutasa District, kumanicaland uko vanhu vakakuvara uye vamwe vakaputsirwa d dzimba nemhepo nemvura yakasimba yaive nezvimvuramambwenemusi weMugovera neChishanu.
Mhuri dzinodarika makumi mashanu nenomwe dzakaputsirwa dzimba uye vanhu vana vanonzi vakakuvara mushure mekudonherwa nematenga nemidhuri asi vose vanonzi vakaburitswa muchipatara.
Mumiriri weMutasa Central VaTrevor Saruwaka vaudza Studio 7 kuti nzvimbo dzakasangana nedambudziko iri dzinosanganisira ward 10 Samaringa, ward 19 Moyo weShumba, Dombo, Ward 18 Nyakatsapa Shamu, neward 24 kwaMapara.
VaSaruwaka vanoti misha mizhinji haichina matenga uye madiridziro neminda zvakaparadzwa. Hofisi yaMudzviti munharaunda iyi iri mushishi kunyora mazita evakaparadzirwa misha uye vamwe vange vatopihwa matende.
Facebook Forum