Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vokurudzira Kusungwa kweVakuru Vekambani yeZINARA neNyaya dzeHuori


ZINARA ndiyo inoona nezvemigwagwa yose yemunyika.
ZINARA ndiyo inoona nezvemigwagwa yose yemunyika.

Zimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC inoti pane vamwe vashandi veZimbabwe National Road Authority kana kuti ZINARA vakasungwa mushure mekunge komiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari dzehurumende kana kuti Public Accounts Committee pamwe nehofisi inoona nezvemafambisirwo emari muhurumende yaAuditor General yapomera vakuru vekambani iyi mhosva yekuita zvehuori.

Vamwe vakuru muZACC vasina kudomwa nemazita vachiti hari haisati yanyatsovira vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti pane vakasungwa vari kuferefetwa.

Nyaya yehuori inonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi yakanganisa zvakanyanya hupfumi hwenyika uye vamwe varikudza kuzotanga mabhizimisi munyika nenyaya iyi.

Asi mutauriri weZACC VaJohn Makamure vati tizotaura navo nemusi weChitatu sezvo vachiri kuunganidza humbowo hwakakwana.

Mutauriri weZINARA VaTendai Mugabe vaudza Studio 7 kuti pari zvino havana chekutaura sezvo vasati vapihwa ongororo yakaitwa nedare reparamende iyi. Vati hapana wavari kuziva asungwa uye havataurire vakasiya basa kare.

Mukuru wesangano rinorwisa huori reAnti-Corruption Trust of Southern Africa VaObert Chinhamo vanoti vaoma mate mukanwa nehuori huri kupomerwa vakuru veZinara.

VaChinhamo vakurudzira kuti vose vakapara mhosva vasungwe uye kudzosera mari dzose dzavakaba.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende VaWillis Madzimure vatiwo zviri pachena kuti mhosva dzakaparwa uye chave kudiwa kuitwa chete kuti ZACC iendese vanhu ava kumatare kunochuchiswa.​

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reCombined Harare Residents Association VaReuben Akili vanoti nekuona kuti migwagwa yaipa vakamboyedza kunyorera tsamba kuZINARA kuti vanzwe kuti mari dziri kufambiswa sei asi hapana chakabuda.

Panguva inonzi yakaitwa huori iyi, vaive gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vainge vadoma bhodhi raitungamirwa naVaWilfred Ramwi vachitevedzerwa naVaAlbert Mugabe.

Vaviri ava vakazodzingwa namushakabvu Biggie Matiza vainge vave gurukota avo vakadoma Engineer Michael Madanha kuti vatungamire bhodhi itsva.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona vaudza Studio 7 kuti vakamirira kupa divi ravo kuparamende vasati vataura nevatori venhau.

Kunze kwekugadzira migwagwa iyo yazara makomba, vakuru veZINARA vanonzi vaitambirisana mari zvisiri pamutemo kusanganisirawo vaive mubhodhi rekambani iyi, vanhu vaitengerwa michina yekugwinyisa miviri voendesa kudzimba asi vopihwa imwe mari yekuendazve kune vanoita zvekugwinyisa miviri kana magym vachibhadhara imwe mari pamwedzi.

Madzimai anonziwo aipihwa mari dzekugadzirwa musoro US$24 500 from 2011 to 2013.

Vakuru veZinara vari kupomerwawo mhosva yekuita huori nekupa makambani mamwe basa rekugadzira migwagwa zvisiri pamutemo zvakapa kuti kamnbani irasikirwe nemari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nerimwe kana kuti US$71, 5 millions pakati pa2012 na2015.

Mamwe makambani aipihwa mari asingapedze basa racho. Izvi zvaiitwa zvichityora mutemo sezvo Zinara ichifanira kungopa makanzuru mari kwete kupa makambani basa rekugadzira migwagwa.

Panyaya dzehuori, Zimbabwe inonzi neTransparency International iri pachidanho chezana nemakumi mashanu nenomwe kana kuti 157 panyika zana nemakumi masere kana kuti 180 pasi rose izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi zvinowodza moyo wevanoda kutanga mabhizimisi munyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG