Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vobatana naVaLungu naVaMasisi Kuvhura Kazungula Bridge Asi Zimbabwe Inonzi Icharasikirwa


VaFélix Tshisekedi vekuRDC na Dr. Mokgwetsi Eric Keabetswe Masisi vekuBotswana.
VaFélix Tshisekedi vekuRDC na Dr. Mokgwetsi Eric Keabetswe Masisi vekuBotswana.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vari kutarisirwa kubatana nemutungamiri wenyika yeZambia VaEdgar Lungu uye mutungamiri wenyika weBotswana VaMokgweetsi Masisi kuvhura zviri pamutemo zambuko reKazungula.

Mumashoko kuvatori venhau, bazi rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu muBotswana rakatenda kuti zambuko reKazungula richavhurwa zviri pamutemo neMuvhuro.

Mutungamiri wenyika yeDRC VaFelix Tshisekedi vanova sachigaro weAfrican Union ndivo vanenge vari munyarikani.

Kazungula Bridge rakavakwa nehurumende yeZambia neBotswana uye imwe mari kubva kuJapan International Co-operation Agency neAfrican Development Bank.

Zambuko iri rinodarika rwizi Zambezi rakavakwa nemari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti US$260 million uye riri kutarisirwa kusimudzira kushanyirwa kwenyika nhatu idzi neNamibia.

Vaimbova mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe vakaramba kupinda muchirongwa chekuvaka zambuko iri zvakapa kuti rivakwe rakati rebei sezvo rainge roenda nekudivi reNamibia.

Asi VaMnangagwa vakazoyedza kuti vapinde muchirongwa ichi kunyangwe Zimbabwe yainge yatodya manonoko. Africa intelligence inoti Zimbabwe icharasikirwa zvakanyanya nemari yemitero kunyanya kubva kumarori anotakura zvinhu kubva kudrc kuenda kudurban kunova kune nyanza yakakosha kuchamhembe kweafrica.

Vanotakura zvinhu vari kuchema chemawo kuti vanopedza mazuva akawanda vari paBeitbridge nenyaya yekunonoka kugadzirirwa mapepa uye mugwagwa weBeitbridge kusvika kuChirundu hauna kumira zvakanaka.

VaMnangagwa vakatozivisa kuti vachange vachipinda muhurongwa uhu pavaikumikidza mugwagwa weMarongora-Hellsgate chikamu chemugwagwa weMakuti-Chirundu svondo rapera.

VaMnagagwa vakati, “Tiri kutanga kuvaka zvekare mugwagwa kubva kuKazungula kuenda kuVictoria Falls.”

Vakaenderera mberi vachiti, “Mumwedzi uno ndichabatana nemutungamiri weBotswana VaMogweetsi Masisi uye mutungamiri weZambia VaEdgar Lungu kuti tikumikidze kuvhurwa kweKazungula Bridge. Rakatanga riri zambuko renyika nhatu, asi nezvikonzero zvandisingakwanise kupa pano, rakava renyika mbiri Zambia neBotswana, asi pasi pehurumende yangu itsva pandakatora mhiko, zambuko iri rave renyika nhatu, kusanganisira Zimbabwe.”

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti Zimbabwe icharasikirwa nemari yemitero kubva kumarori anotakura zvinhu asiwo inowanawo chouviri nekushanyirwa kwenyika uye kurerutsa kuwandirwa nebasa kwevashandi vepaBeitbridge.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG