Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Mapurisa neMatare Oshandiswa seMbato neHurumende Kuvashungurudza


Bato reMDC Alliance riri kupomera hurumende mhosva yekushandisa mapurisa nematare sechamboko chekuranga vanopikisa uye vatori venhau.

Asi vehurumende nebato reZanu-PF vanoti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurike sezvo mutemo usingatarise kuti wabuda mumba maani.

Nhengo dzakawanda dzebato reMDC Alliance dziri mumajeri dzichipomerwa mhosva dzakasiyana siyana dzinosanganisira kuratidzira zvine mhirizhonga mukati, kutyora mitemo yeCovid-19 kuita musarinya nezvimwe.

Dzimwewo nhengo dzebato iri dzatovaka misasa pamatare nekuti dzinogara dziriko dzichipomerwa mhosva dzakasiyana siyana. Pane dzimwe nguva mhosva dzinoraswa asi vanhu vagara mumatirongo vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu uye hurumende yeAmerica nenyika dzemuEU vanoti vatongi vave kushandiswa sembato yehurumende.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutemo uri kutevedzerwa uye havapindire pane zviri kuitwa nematare.

Mutauriri weMDC Alliance VaClifford Hlatywayo vanoti munyika maberekera ingwe sezvo nhengo dzavo dziri kukutsirwa neZanu-PF, mapurisa uye matare.

Asi nhengo yeZanu-PF VaGilbert Dzikiti vanoti mapurisa emunyika anosunga vanotyora mutemo chete.

Hurukuro naVaGilbert Dzikiti naVaClifford Hlytwayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG