Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vofa neCovid-19 muHarare neMashonaland Central


Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 muHarare nekuMashonaland Central.

Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 kubva gore rapera hwave chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi manomwe kana kuti 1, 570.

Vanhu makumi maviri nemumwe vakabatwawo nechirwere ichi zvasiyawo vabatwa nacho vavezviuru makumi matatu nezvisere nemazana maviri nemakumi masere nemumwe kana kuti 38, 281.

Vanhu gumi nevana vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vapora vave zviuru makumi matatu nezvishanhu nemazana matanhatu ane makumi matatu nevana kana kuti 35, 634. Vanhu vachiri kurwara vave chiuru chimwe chete nemakamumi manomwe nevanomwe kana kuti 1, 077.

Vanhu vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 vave zviuru mazana mana nemakumi matatu zvine makumi matanhatu nevasere kana kuti 430, 068. Vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru makumi mapfumbamwe nevana nezana nemakumi matatu nemumwe kana kuti 94, 131.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuti ishande nyika yose sezvinokurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG