Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanoti Kuita Nhauriano neHurumende paNyaya yeMihoro Kuteya Nzou neRiva


Muzvinafundo Paul Mavhima
Muzvinafundo Paul Mavhima

Mutevedzeri wemunyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vanoti havasi kuona chinangwa chekuramba vachiita hurukuro nehurumende panyaya yemari yemihoro sezvo isina kuzvipira.

Asi hurumende iri kuti vashandi havafanire kuora moyo uye nhaurirano dzichiri kuenderera mberi.

Kunetsana pakati pehurumende nevashandi kwawedzera kubva hurumende zvayakati ichabvisa imwe mari pane iri kutambirwa nevashandi vari kuenda kubasa mazuva mashoma vachiti mari dzavari kutambiriswa hadzikwane kuti vaende kubasa mazuva ose.

Vashandi vanotiwo vsri kuda kuti vabhadharwe muhoro wavo nemadhora ekuAmerica asi hurumende iri kutsika madziro.

VaMushangu vanoti hurumende iri kungowedzera mari dzavanenge vasina kutenderana uye payadira zvopa kuti nhaurirano dzishaye basa.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vati nhaurirano dziri kuenderera mberi uye vakazvipira.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG