Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyedza Kurambidza VaNgarivhume Kubvisa Marara kuMbare


Mutungamiri we\Transform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vakanetsana nemapurisa zvakanyanya nemusi weMugovera apo vaibvisa marara ari mumusha wevazhinji weMbare muHarare.

VaNgarivhume vanoti dzimwe mota dzavainge vabhadhara kuti dzitakure marara dzakatiza mushure mekunge mapurisa ayedza kuda kudzitora nechisimba.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe kuti sei mapurisa ainga akapakatira zvombo aida kurambidza VaNgarivhume kuchenesa musha weMbare.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kupomera hurumende mhosva yekuvhiringidza zvirongwa zvavo ichihwanda nenyaya yekuti iri kuda kudzivirira chirwere cheCovid-19.

Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani. Nharaunda zhinji muHarare dzazara marara sezvo kanzuru iri kuti vagari, hurumende nemakambani vari kutatarika kubhadhara mari dzemitero.

Asi vamwe vagari vari kupomerawo kanzuru mhosva yekuita zvehuori.

Hurukuro naVajacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG