Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kuita Basa Rayo neMazvo


ZEC
ZEC

Sachigaro wesangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, VaAndrew Makoni, vanoti zvakakosha zvikuru kuti Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC ,inyatsoita nemazvo hurongwa hwekuganhura matunhu kuitira kuti sarudzo dza2023 dzisazoite mutauro.

VaMakoni vanoti zvakaitika muna 2018 zvekuenzanisa huwandu hwevamiriri mumatunhu mashoma neane vanhu vakawanda hazvifanire kudzokororwa.

Vari kukurudzirawo vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Mumashoko kuvatori venhau, mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vanoti kugadzira miganhu kunotora makore maviri uye vari kuzviita muzvikamu zvitatu.

Chikamu chekutanga, icho chakatotanga, ndechekunyoresa vanhu kuti vave. Chikamu chechipiri chinenge chave chekumbogadzira miganhu nevanhu vanenge vari mugwaro panguva iyoyo uye chekupedzisira chinenge chave chekugadzira gwaro rekupedzisira rinozoshandiswa musarudzo.

VaMakoni vanoti chirongwa chakadai chakapedzisira kuitwa makore gumi adarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG