Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa neMuvhuro kune vana vasiri kunyora bvunzo uye vamwe vavo vatotanga kuenda kuzvikoro izvi nhasi. Vana vari kunyora bvunzo vakavhura musi wa 30 Nyamavhuvhu.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu vapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore raopera vave zviuru zvina zvine mazana mana nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 4, 466.
Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vakapa mvumo kuma bureaux de change kuti akwanise kutengesera vanhuwo zvavo mari inosvika madhora mazana maviri pamwedzi.
Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vanoti hurumende iri kuda kushandisa mabasa anoitwa nevanoprurikidza mwero mukumbunyikidza masangano anoshanda akazvimirira oga.
Vabereki vakawanda vari kuchema chema kuti zvimwe zvikoro zviri kudzinga vana kuchikoro vasina kubhadhara mari yechikoro yakakwana iyo yakawedzerwa zvikuru kotoro ino, kunyange mutemo wehurumende uchiti vana vasina kubhadara havafani kudzingwa.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaburitsa mashoko kuvatori venhau padandemutande reTwitter vachiti vari kushushikana zvikuru nekupondwa kuri kuitwa vanhu zvikuru nehama dzavo.
Vamwe vana vechikoro vari kunyora bvunzo vari kuzvikoro zveboarding vakatanga nemusi weSvondo kudzokera kunotanga zvidzodzo mushure mekunge vabereki vaita chipatapata nhaka yemakonzo kutenga hembe dzechikoro nezvimwe zvinodiwa nemusi weMugovera.
Mukuru wechikoro cheBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mzenzi Mabasa avo vakashaya nemusi weChishanu nechirwere cheCovid-19 kuArundel Hospital chiri pe kuUnited Bulawayo Hospital’s vakaradzikwa nemusi weSvondo kuBulawayo kumarinda eAthlone
Mukuru wechikoro cheBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mabasa vakashaya nechirwere cheCovid-19 nemusi weChishanu manheru.
Sachigaro werimwe sangano rinomirira vemabhizimisi reAfrica CEO Round Table vaOswell Binha vanoti gurukota rinoona nezvamari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanofanira kuderedza huremu hwedhora remunyika sezvo zviri pachena kuti mutengo waro wadonha.
Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kupomera hurumende, Zimbabwe Electoral Commission nematare mhosva yekuita chirwirangwe kuti munyika musaitwe sarudzo kutsiva vakadzingwa mudare reparamende nemakanzuru uye vakafa zvavanoti kutyora bumbiro remutemo.
Munyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo ,vanoti ivo nemagweta avo vatanga kuzeya mhinduro dzemapazi nemakambani ehurumende apindura panyaya yavakakwidza kumatare yekuti vashandi vasamanikidzwa kubayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo kuita izvi kuchityora bumbiro remitemo yenyika.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana maviri nemakumi mana nemapfumbamwe kana kuti 4, 249.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nyika svondo rino kuti zvikoro zvichavhurwa riini.
Hurumende iri kukurudzirwa kudzika mitemo yakaomarara kuranga vose vanoroodza kana kuroora vanasikana vasati vabvazera izvi zvinoisa hupenyu hwavo munjodzi uye kukanganisa remangwana ravo.
Sangano rePassengers Association of Zimbabwe rinoti danho rehurumende rekubvisa makombi mumigwagwa nechinangwa chekuda kuvamanikidza kuti vaite mushandirapamwe nekambanki yehurumende yeZUPCO rave kuisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjodzi.
Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati peMDC Alliance neZanu-PF zvichitevera sarudzo dzemuZambia dzakakundwa nebato guru rinopikisa reUnited Party for National Development (UPND). ha
Vatungamiri venyika dzemuSADC vakapeta neChitatu musangano wavo wepagore muMalawi vachisarudza mutungamiri wenyika iyi, VaLazarus Chakwera, kuti vave sachigaro uye VaElias Magosi semunyori mukuru kana kuti Executive Secretary weSADC.
Mutauriri wekomisheni inoona nezvekuregererana yeNational Peace and Reconciliation Commission. VaObert Gutu, vanoti nhasi vari kutarisira kuita misangano nevakuru vemapurisa nevemajeri mudunhu reHarare.
Hurumende iyo iri kukundikana kuunganidza mari inodarika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu ekuAmerica kana kuti 3, 5 billion yayakavimbisa kuripa varimi vachena vakatorerwa mapurazi inonzi yave kuyedza kukwezva vekunze kuti vaikweretese mari yozodzosera.
Rodhai zvimwe