Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVatatu Vofa neCovid-19 neMusi weSvondo


(Mufananidzo AP)

Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana maviri nemakumi mana nemapfumbamwe kana kuti 4, 249.

Vanhu zana nemakumi matanhatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nemusi weSvondo zvekare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zana nemakumi maviri nemaviri ezviuru zvine mazana matanhatu nemakumi mashanu nemaviri kana kuti 122, 652.

Vanhu mazana mana nemakumi mana nemana kana kuti 444 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nematanhatu zvine mazana masere negumi kana kuti 106, 810.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu negumi nevaviri zvine mazana mana negumi nemanomwe kana kuti 2 312, 417 vabayiwa nhomba kechipiri.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi matanhatu nezana nemakumi matanhatu nemaviri kana kuti 1 460 162.

Bazi rezvehutano rine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG