Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKupondana Pahukama Yotemesa Mapurisa Musoro


Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga
Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaburitsa mashoko kuvatori venhau padandemutande reTwitter vachiti vari kushushikana zvikuru nekupondwa kuri kuitwa vanhu zvikuru nehama dzavo.

Musi wa 24 , mumusha waIshe Mazungunye, Bikita, mwedzi uno, mapurisa anoti VaWilliam Kuwanda vakarova baba vavo VaKuwanda Mberi vaive nemakore makumi masere nerimwe vachibva vashaya mushure mekuvapomera mhosva yekuunza munyama mumusha.

Musi wa25 mwedzi uno paPazvavambwa, Godden Farm kuSanyati, mumwe mwanasikana ane makore gumi nematanhatu akapondwa nehanzvadzi yake kunayngwe vange vakasiyana mumwe mubereki mushure mekumupomera mhosva yekunwa nekuita chipfambi.

Mumwe akapondwa nehama vachinwa doro ndiVaPhilimon Mudzinge vekuVillage 15 Bumhe resettlement kuMamina. Vanonzi vakapondwa nehama yavo VaShame Zorwa. VaNyathi vakurudzira vanhu kuti vagadzirisane murunyararo.

Nyakutuka Amai Mnangagwa Osungwa

Zvichakadaro nhengo yeZanu-PF inomirira headland mudare reparamende VaChristopher Chingosho vakasungwa neMugovera vachipomerwa mhosva yekutuka mudzimai wemutungamiri wenyika, amai Auxilia Mnangangwa kuti ipfambi mushure mekunge varegedza kuvakoka kuchirongwa chaiitirwa mudunhu ravo.

Studio 7 yayedza kubata VaChingosho kuti tinzwe divi ravo asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. VaNyathi vati nhasi vange vari pazororo nekudaro vanokwanisa kupindura mibvunzo yedu panyaya yaVaChingosho neMuvhuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG