Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kumbunyikidza Masangano Akazvimirira Oga Ichiti Iri Kurwisa Matororo?


VaZiyambi Ziyambi
VaZiyambi Ziyambi

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vanoti hurumende iri kuda kushandisa mabasa anoitwa nevanoprurikidza mwero mukumbunyikidza masangano anoshanda akazvimirira oga.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nedare remakurukota rekuvandudza mutemo wePrivate Voluntary Organisations Act (Chapter 17:05).

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende yainge yatambira bhiri rakabva kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, rekuvandudza kunyoreswa kunoitwa masangano akazvimirira oga nemashandiro awo senzira yekuyedza kudzivirira kuti asashandiswe kufambisa mari dzevanopfurikidza mwero.

Amai Mutsvangwa vakati masangano akazvimirira oga anenge asisatarisirwe kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika uye vanofanira kubhadhara mari kuti vashande.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaZiyambi sezvo vasina kupindura mibvunzo yedu.

Asi VaKika vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kudzivirira mabasa evanopfurikidza mwero asi vakati maoko ehurumende haana kuchena sezvo yagara yabuda pachena kuti inotora masangano akazvimirira oga semapato anopikisa.

Hurukuro naDoctor Musa Kika
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG