Mukuru wechikoro cheBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mzenzi Mabasa avo vakashaya nemusi weChishanu nechirwere cheCovid-19 kuArundel Hospital chiri pe kuUnited Bulawayo Hospital’s vakaradzikwa nemusi weSvondo kuBulawayo kumarinda eAthlone.
Vachitaura nebepanhau reSunday News, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira vati VaMabasa munhu ainge ari mbariro munyaya dzedzidzo sezvo ainge akazvipira kuvandudza dzidzo munyika uye nyika yarasikirwa zvikuru.
Engineer Mabasa vaizivikanwa zvikuru nerekuti “The Teacher” semunhu aida kudzidzisa vanhu zveshoko raMwari nehupenyu. Vange vave nemakore makumi matanhatu nemashanu ekuberekwa.
Vakazivisa musi wa 6 Nyamavhuvhu kuti vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19. VaMabasa vasiya mudzimai nevana vatanhatu. Mumwe akashanda naEngineer Mabasa inhengo yeparamende yeMDC Alliance yaive sachigaro wedzidzo VaDaniel Molokele.
Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe kana kuti 4, 390.
Vanhu zana nemakumi matatu nemumwe vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi maviri nemana zvine mazana matatu nemakumi matanmhatu nemanomwe kana kuti 124, 367.
Vanhu mazana maviri nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 226 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zana rezviuru negumi nemazana manomwe nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 110, 775.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu zvine makumi mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemazana matatu nemakumi masere nemumwe kana kuti 1, 596 381 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kapiri sezvinotarisirwa.
Vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu negumi nematanhatu zvine mazana matatu nemakumi mashanu nematatu kana kuti 2, 513, 353.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kutin inyatsoshanda zvinotarisirwa kudzivirira kuparira kwechirwere cheCovid-19.
Facebook Forum