Munyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo ,vanoti ivo nemagweta avo vatanga kuzeya mhinduro dzemapazi nemakambani ehurumende apindura panyaya yavakakwidza kumatare yekuti vashandi vasamanikidzwa kubayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo kuita izvi kuchityora bumbiro remitemo yenyika.
Vakaendeswa kumatare ava vanonzi vakati vashandi vasina kubayiwea nhomba vamire kuuuya kubasa.
Vakaendeswa kumatare vanosanganisira gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima; gweta guru rehurumende, VaPrince Machaya; makambani anoti ZIMNAT Insurance, Zimbabwe National Road Administration (ZINARA), TelOne, Windmill, SEEDCO Zimbabwe nechikoro cheManicaland State University.
Mukupindura zvakaturwa neZCTU kumatare, VaMachaya vati havazivi kuti sei ivo negurukota rezvevashandi vakapinzwa munyaya iyi nekuti handivo vanoudza vashandi kana makambani zvekuita panyaya dzakadai.
VaMavima vaudza Studio7 kuti vakamboyedza kuti vataurirane neZCTU asi zvakaramba asi vachiti zvakakosha kuti vashandi vabayiwe nhomba.
Kambani yeTelOne inoti nyaya iyi haifanire kunzwikwa nechimbi chimbi ichiti ZCTU yakatora mavhiki matatu kuiendesa kumatare zvinoratidza kuti hayaifunga kuti yakakosha zvekunzwikwa nechimbi chimbi.
Facebook Forum