Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nyika svondo rino kuti zvikoro zvichavhurwa riini.
VaMnangagwa vakawedzera nguva yekuti vanhu vagare mudzimba nemavhiki maviri musi wa 9 Nyamavhuvhu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Vakatenda kuti huwnadu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwaimge hwadzikira asi vakati vaifa vainge vakawandisa pane zvinotarisirwa.Huwandu hwevari kufa ava hwati dererei zvekare mumavhiki maviri aya.
Asi VaMnangagwa vari kutarisirwawo kuenda kuZambia mangwana kuri kugadzwa mutungamiri wenyika iyi VaHakainde Hachilema.
Rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, (ARTUZ) riri kuita misangano nevabereki nemadzishe mumaruwa senzira yekunzwa pfungwa dzavo panyaya yekuti zvikoro zvingavhurwe sei munguva ino yekurwisa denda reCovid-19.
Mutauriri mubazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vakaudza Studio 7 kuti vachazivisa nezvekuvhurwa kwezvikoro kana VaMnangagwa nedare remakurukota vabuda nechisungo panyaya iyi.
Facebook Forum