Accessibility links

Breaking News

SADC Yosarudza Vatungamiri Vatsva Ichiti Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe Zvibviswe


Mutungamiri wenyika yeMalawi VaLazarus Chakwera.

Vatungamiri venyika dzemuSADC vakapeta neChitatu musangano wavo wepagore muMalawi vachisarudza mutungamiri wenyika iyi, VaLazarus Chakwera, kuti vave sachigaro uye VaElias Magosi semunyori mukuru kana kuti Executive Secretary weSADC.

VaMagosi chizvarwa cheBotswana vari kutora chigaro chakasiiwa naDoctor Stergomena Lawrence Tax vekuTanzania.

Musangano unotevera uchaitirwa kuDemocratic Republic of Congo sezvo mutungamiri wenyika iyi VaFelix Tshisekedi vakasarudzwa kuva mutevedzeri wasachigaro vanenge votora chigaro chaVaChakwera.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa ndivo vava sachigaro webazi rinona nezvekudzivirirwa kwedunhu kana kuti SADC Troika vachitevedzerwa nemutungamiri weNamibia, VaHage Geingob.

Musangano uyu wakazeya kusagadzikana kuri kuMozambique kuri kukonzerwa nechikwata chinopfurikidza mwero cheAnsar-Al- Sunna chinodyidzana nechikwata cheIslamic State.

Imwe nyaya yange iri mudariro ndeyeLesotho iyo isinawo kugadzikana.

Dzimwe nyaya dzakazeyiwa ndedzekusimudzira hupfumi painewo kurudziro yekuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

Nyika dzakatemera zvirango izvi dzakaita seAmerica, Britain nedziri mugungano neEuropean Union dzinoti zvirango hazvina kutemerwa nyika asi vatungamiri vanotonga nedemo.

SADC yakakorekotedzawo Zambia nekuita sarudzo dzakanaka uye kurumbidza VaEdgar Lungu vakakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika nekutenda kwavo kusiya masimba murunyararo.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio7 kuti vane chivimbo chekuti VaChakwera naVaMagosi vanogona kuvandudza zvinhu vakapihwa mukana.

Asi vati nyaya dzehuori dziri kupomerwa VaChakwera pakupa hama dzavo mabasa hadzipi vamwe chivimbo chekuti munhu akachena.

Hurukuro naVaMarvelous Kumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG