Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Chirwirangwe neZEC neMatare Kuitira Kuti Sarudzo Dzisaitwe


Vatsigiri veMDC Alliance
Vatsigiri veMDC Alliance

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kupomera hurumende, Zimbabwe Electoral Commission,ZEC, nematare mhosva yekuita chirwirangwe kuti munyika musaitwe sarudzo kutsiva vakadzingwa mudare reparamende nemakanzuru uye vakafa zvavanoti kutyora bumbiro remitemo yenyika.

Bumbiro remitemo section 158 (2) rinosungira kuti sarudzo kana pachinge pabva mumiriri mudare reparamende kana kanzuru dziitwe mukati memazuva makumi mapfumbamwe.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vakati sarudzo dzimire kuitwa kwenguva isina kutarwa.

Sachigaro weZEC, Amai Priscialla Chigumba, vakaudza Studio 7 kuti maoko avo akasungwa nekuti vanotevedzera zvinenge zvataurwa nehurumende. Sarudzo dzinofanira kuitwa munzvimbo dzinodarika makumi masere dzisina vamiriri parizvino.

Kunyangwe vanopikisa vakaenda kumatare nyaya idzi hadzisati dzapihwa mutongo.

Vamwe vakaita semutevedzeri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, nevamwe vavo vashanu vaive kubato rePDP vakadzingwa vakanzi nedare repamusoro vadzokere kudare havana kudzokera sezvo nyaya iyi yakadzoserwa kumatare mushure mekunge mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda varamba kuvatambira.

Matare anonzi haasi kushandawo semazuva ose nenyaya yeCovid-19.

Asi vanachiremba vakuru munyika musangano reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti havanzwisise kuti sei vanhu varikuramba vachinzi vagare mudzimba uho huwandu hwevari kufa nekurwara neCovid-19 hwaderera.

Vanopikisa vanotiwo nyika dzakawanda muSADC kusanganisira Tanzania, Zambia neMalawi dzakaita sarudzo uye munguva yeCovid-19 pasina matambudziko.

Vanomirira Warren Park mudare reparamende vari nhengo yeMDC Alliance VaShakespear Hamauswa vanoti sarudzo dzave kufanira kuitwa sezviri kuitwa kune dzimwe nyika.

Asi nhengo yeZanu-PF uye vaimbotungamira bato reDare VaGilbert Dzikiti vanoti hurumende inofasnira kutanga yanzwa kubva kuna vanachiremba kuti isapinze vanhu munjodzi.

Hurukuro naVaShakespear Hamauswa naVaGlbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG