Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vapfumbamwe Vofa neChirwere cheCovid-19 neMugovera


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu vapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore raopera vave zviuru zvina zvine mazana mana nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 4, 466.

Vanhu makumi mapfumbamwe nevana vakabatwa nechirwere ichi, zvasiya vabatwa nacho kusvika parizvino vave zana rezviuru nemakumi maviri nemashanu zvine mazana mana nemakumi maviri nemashanu kana kuti 125, 425.

Vanhu mazana mana nemakumi mashanu vakapora kubva kuzchirwere ichi zvasiya vapora vave zana rezviuru negumi nemashanu zvine makumi masere nemapfumbamwe kana kuti 115, 089.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemasere zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nemaviri kana kuti 2 698, 632

.Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe kqna kuti 1 700, 993.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba yeCovid-19 kuti inyatsoshanda zvakanaka munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG