Accessibility links

Breaking News

Kukandirana Makobvu neMatete Kwoenderera Mberi Pakati peMDC Alliance neZanu-PF neNyaya yekuZambia


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati peMDC Alliance neZanu-PF zvichitevera sarudzo dzemuZambia dzakakundwa nebato guru rinopikisa reUnited Party for National Development (UPND).

Mutungamiri webato iri, VaHakainde Hichilema, vanonzi vanodyidzana nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatumira mashoko ekukukorokotedza VaHichilema nemusi weChipiri, VaCharamba vakabva vanyora mashoko padandemutande ravo reTwitter apo pavanozviti @Jamwanda2 vachiti vakarwa hondo yerusungunuko havasi kuzorega VaChamisa vachitungamira nyika kunyangwe vakakunda musarudzo.

VaHichilema vasati vakunda musarudzo, VaCharamba vakange vanyora zvakare paTwitter kuti vaive mutengesi mushure mekubuda kwavakaita pamifananidzo vaina VaChamisa.

Nhasi VaCharamba vange vachienderera mberi paTwitter nemashoko avo ekutaura nezvehondo pamberi pesarudzo dza2023 nekunyomba VaChamisa.

Vange havo vave kuda kuzvichenura vachiti vakarwa hondo vave kuunza budiriro munyika nekudaro hapana anovhotera VaChamisa.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kuti VaChamisa vakunde musarudzo sezvo VaMnangagwa vachavhoterwa nekuunza budiriro munyika.

Asi mmurongi wemisangano muMDC Alliance, VaAmos Chibaya, vanoti mashoko aVaCharamba anokonzera kusagadzikana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG