Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Paine Kunetsana Pakati peHurumende, Vabereki neVarairidzi


Vamwe vana vechikoro vari kunyora bvunzo vari kuzvikoro zveboarding vakatanga nemusi weSvondo kudzokera kunotanga zvidzodzo mushure mekunge vabereki vaita chipatapata nhaka yemakonzo kutenga hembe dzechikoro nezvimwe zvinodiwa nemusi weMugovera.

Asi munyika hamuna hamo kuwirirana nezvenyaya yekuvhurwa kwezvikoro.

Vamwe vabereki vanoti havana kupihwa nguva yakakwana yekugadzirira asi hurumende inoti zvikoro zvaifanira kuvhurwa muna Chikumi nekudaro painge paine nguva yekugadzirira.

Hurumende yakatenderawo kuti mari dzechikoro dziwedzerwe izvo zvopa kuti vabereki vataura neStudio 7 vagunun’une zvakanyanya.

Nyaya yechirwere cheCovid-19 iri kupawo kuti vamwe vabereki vatyire vana vavo.

Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, patotanga nekunetsana pakati pevarairidzi nehurumende nenyaya yemihoro rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe richiti richatanga kuratidzira murunyararo neMuvhuro panovhurwa zvikoro.

VaMasaraure vanoti mari dziri kupihwa varairidzi dzishoma uye hurumende haina kugadzirira kurwisa chirwere cheCovid-19.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabatawo mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vati hurumende yakagadzirira zvakakwana. VaNdoro vati vakaisa zvikwanisiro zvose muzvikoro uye vana vanenge vasina kugara pedyo napedyo.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG