Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotatarika Kuwana Chikwereti cheMabhiriyoni Matatu neChidimbu Chekuripa Varimi Vachena Vakatorerwa Mapurazi


Hurumende iyo iri kukundikana kuunganidza mari inodarika mabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana mashanu ekuAmerica kana kuti US$3, 5 billion yayakavimbisa kuripa varimi vachena vakatorerwa mapurazi inonzi yave kuyedza kukwezva vekunze kuti vaikweretese mari yozodzosera.

Varimi vachena ava vari kuda kuripwa pazvivakwa nezvimwe zvakaita sezvipfuyo nezvekurimisa zvakatorwa nechisimba kwete ivhu. Izvi zvinotevera chibvumirano chavakanyorerana nehurumende gore rapera kuState House, muHarare.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinonetsa kuti Zimbabwe ikwereteswe mari nekuti yagara iine zvikwereti zvaisiri kukwanisa kubhadhara munyika nekunze.

Bepanhau reBloomberg rinoti hurumende iri kuda kuyedza kutsvaga mari kune vekunze ava kuti vabhadhare chidimbu chemari iyi nechinangwa chekuti pabviswe zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende.

Asi nekuda kwekuti Zimbabwe yagara iine zvikwereti zvinodarika mabhiriyoni gumi kunze zvairi kutadza kubhadhara, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hapana anoda kusungirira mari pagumbo rengwe.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakaita saMuzvinafundo Gift Mugano vatiwo zvinotovhiringidza hupfumi kunyangwe Zimbabwe ikawana anoda kuikweretesa.

Imwe nyanzvi munyay dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti kubhadhara mari iyi kwakanakira hako kuumba hukama nenyika dzakabudirira dzakatemera Zimbabwe zvirango pari zvino asi kunogona kupa kuti hupfumi hwenyika huri kutatarika hubva hwagwadama.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti Zimbabwe yakatobhadhara chikwereti ichi kare nekuti minda yakabvutwa kuvachena vasina kuripwa uye zvirango zvavanoti zvakatemerwa minda makore makumi maviri adarika imwe mhando yekuripa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi idzi dzinoti Zimbabwe kana ichida hayo kubhadhara inofanira kukumbira nguva yakareba yekuti ibhadhare chikwereti ichi uye kutiwo varimi vakatora minda yacho vabhadharewo mari dzemitero dzinozoshandiswa mukuripa vachena ava.

Vamwe varimi vachena ava vanoti semuripo vanoda kudzoserwa minda asi hurumende haisi kubuda pachena panyaya iyi nekuti inopa maonero akasiyana nguva dzose.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti kuripa varimi ava kunobatsira kuumba hukama nevakavatemera zvirango nevamwe muhurumende yavo.

Hurumende gore rapera yakati iri kushanda nekambani yekuBritain inonzi Newstate Partners LLP kuti iunganidze mari inodarika bhiriyoni imwe chete yekuripa varimi ava.

Varimi ava vakapihwa imwe mari inosvika miriyoni imwe chete nekambani yeKuvimba Mining House inonzi negurukota rezvemari VaMthuli Ncube.

VaNcube vanoti hurumende ine zvimwe zvikamu zvehuru ndeyehurumende kunyangwe hazvo ongororo yakaitwa nenyanzvi ichiratidza kuti ine shoroma yakaiswa pazvirangano nenyaya dzehuori iri chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaKudakwashe Tagwirei, sezvo ichidyidzana nekambani yavo inonzi Stoic.

Hatina kunzwa divi raVaTagwirei, VaNcube kana gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Dcctor John Mangudya, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG