Accessibility links

Breaking News

Madzimai Obatwa Chibharo neKubirwa Zvowedzerwa Nekushomeka kweMabhazi eZUPCO


Zupco Mutare
Zupco Mutare

Sangano rePassengers Association of Zimbabwe rinoti danho rehurumende rekubvisa makombi mumigwagwa nechinangwa chekuda kuvamanikidza kuti vaite mushandirapamwe nekambani yehurumende yeZUPCO rave kuisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjodzi.

Izvi zvinotevera kukwira kwehuwandu hwemadzimai ari kubatwa chibharo uye kubirwa zvakanyanya kwevanhu nevanhu vane motokari dzinozivikanwa nekuti mishikashika. Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mapurisa anoti vanhu havafanire kukwira motokari dzemushikashika idzi uye havafanire kutakura mari yakawanda.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi mumashoko kuvatori vanhu vanotiwo muHarare ndimo manyanya nyaya dzekubatwa chibharo kwemadzimai uye kubirwa kwevanhu. Motokari dziri kushandiswa nematsotsi aya dzinosanganisira maHonda Fit nemaToyota Wish, vanhu vari kubirwa mari nenharembozha.

Vanhu vakawanda vaudza Studio 7 kuti mabhazi eZUPCO mashoma nekudaro vanozogumisira vakwira chero motokari.

Mutungamiri wePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vaudza Studio 7 kuti mabhazi mashoma zvosiya vanhu vokwira motokari dzematsotsi.

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG