Komisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption Commission inoti vaimbova mukuru wePublic Service Medical Aid Society, kana kuti PSMAS, VaCuthbert Dube, vachiri kuferefetwa nekomisheni iyi.
VaProsper Chitambara votaura pfungwa dzavo pamusoro pekushaikwa kwemari mumabhanga. VaChitambara vakaita hurukuro naThomas Chiripasi weStudio7.
Muzvare Ngonidzashe Chapanduka vanoti nyaya yekuti vanhu vaendese mari mumabhanga havawoni ichitambirwa nevazhinji. Ngatinzweyi hurukuro yavaita na Thomas Chiripasi we Studio 7.
Vachitaura pamusangano wekuedza kutsvaga nzira dzekusimbaradza chirongwa chekuvandudza nyaya dzekurima cheCommand Agriculture waitwa muHarare neChitatu, VaMnangagwa vati kunyange hazvo nyika iri kutarisira goho rakanaka mwaka uno, varimi havafaniri kumirira kupihwa mbeu nefotereza zvemahara.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaita musangano nevechidiki kuMarondera mudunhu reMashonaland East pavatsoropodza nyaya yezvikwata zvikwata zviri mubato ravo vachiti izvi zvauraya bato ravo reZanu PF.
Hurumende yeSweden yapaZimbabwe mari inoita mamiriyoni masere emadhora ichabatsira mukusimudzira nharaunda dzine vanhu vari kutambura zvikurusei avo vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura.
Bato rinopikisa reFreeZim Congress rinoti radzinga mubato mutungamiri webato iri, VaJoseph Busha, richivapomera mhosva yekudyidzana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaSydney Chisi, vanoti zvave pachena kuti hutungamiri hweZanu PF hauzofe hwakatevedzera mitemo yenyika uye mitemo iyi haizoshandiswa zvakaenzana pakati pevari muZanu PF nemapato anopikisa.
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo, vanoti zvekuvandudzwa kwehwaro hwesarudzo zviri kutaurwa nemapato anopikisa ari kushanda ari pasi peNera ndezvemugotsi matsuro.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashora vamwe vevaimbova varwi muhondo yerusununguko vachiti vave kukara masimba zvakanyanyisa.
Mapato anopikisa aungana zvakare muHarare neChitatu achisimbaradza nyaya yekuti sangano rinowona nezvekufambiswa kwesarudzo rivandudzwe pamberi pesarudzo achiti ave kuita gadziriro yekuratidzira mumigwagwa.
Vamwe vana vakatarisirwa kunyora bvunzo dze O Level gore rino vanogona kutadza kunyora bvunzo idzi zvichitevera danho ratorwa nezvimwe zvikoro rekuti mari dzavanobhadhara kuti vanyore bvunzo idzi dzinge dzabhadharwa neChitatu.
VaKasukuwere vanonzi nevamwe vavo vari kuronga zvekubvisa VaMugabe pachigaro vachishanda vari muchipoka chiri kudaidzwa kuti Generation 40, kana kuti G40.
Vachiparura chirongwa ichi, sachigaro weMDC T Youth Assembly, VaHappymore Chidziva, vakati vechidiki munyika vanofanira kuvhota kuti vasunungure nyika kubva kuhutongi hwebato reZanu PF.
Vemapato anopikisa vaungana paFreedom Square muHarare vachiti komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inofanira kuvandudza mashandiro ayo pamwe nemafambisirwo esarudzo munyika.
Asi mimwe mwedzi minomwe yasendekwa parutivi vachinzi vasapare mhosva yakadai zvakare mukati memakore mashanu ari kutevera.
Asi VaMawarire havana kukwanisa kuburitswa mujeri sezvo mapepa avo ekuburitswa mujeri anga asati aunganidzwa sezvinodiwa nemutemo.
Gweta raVaMawarire, VaHarrison Nkomo, vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro sezvo matare amejasitireti asingabvumirwe kupa musungwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yakakomba seiri kupomerwa VaMawarire.
Mufundisi wesvondo yeRemnant Church, VaPatrick Mugadza, avo vanoti vakaudzwa naMwari kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa gore rino, vamiswa pamberi pedare nhasi vave kupomerwa imwe mhosva itsva.
Asi Amai Virginia Nhepure vanogara mumusha weWarren Park muno muHarare vaudza Studio 7 kuti chinhu chakanaka kuti vatungamiriri vatange vaenda kuvanhu kunovabvunza zvavanoda kuti zviitwe vasati vatora matanho ane chekuita neramangwana ravo.
Rodhai zvimwe