Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoudza Varimi Kuti Vabhadhare Zvikwereti


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti varimi havafaniri kumirira kupihwa mbeu nefetereza zvemahara vachiti zvikwereti zvavanotora kumabhanga zvinofanirwa kubhadharwa.

Vachitaura pamusangano wekuedza kutsvaga nzira dzekusimbaradza chirongwa chekuvandudza nyaya dzekurima cheCommand Agriculture waitwa muHarare neChitatu, VaMnangagwa vati kunyange hazvo nyika iri kutarisira goho rakanaka mwaka uno, varimi havafaniri kumirira kupihwa mbeu nefotereza zvemahara.

Varimi vazhinji vanonzi vanowanzononoka kudyara zvirimwa nepamusana pekuti vanenge vakamirira kupihwa mbeu nefetereza nehurumende.

VaMnangagwa vatiwo varimi vanofanira kudzosera zvikwereti kumabhanga kuitira kuti mabhanga agokwanisa kuvabatsira mumwaka inenge ichitevera.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati hurumende yakazvipira kubatsira varimi nemari pasi pechirongwa chinotungamirirwa nemutungamiri wenyika chekubatsira vanhu nembeu nefetereza chePresidential Input Scheme uye vati hurumende ichabatsira varimi vanosvika miriyoni nemazana masere mumwaka unotevera kubva pamazana masere akabatsirwa pasi pechirongwa ichi gore rino.

VaChinamasa vakurudzirawo vemabhanga kuti vakweretese varimi mari yekuti vaite basa ravo. Izvi zvinotevera danho rakatorwa nemabhanga mazhinji rekusapa varimi mari vazhinji mari nepamusana pekuti havana matsamba akakwana anoratidza kuti ndivo varidzi vemapurazi aya kana kuti ma title deeds.

Kunyange hazvo hurumende yakaparura gwaro rairi kudaidza kuti 99 year lease kuti rishandiswe nevarimi pakutora zvikwereti kumabhanga, vemabhanga vari kuramba kutambira gwaro iri vachiti rinongovawo bepa zvaro risina charinoreva.

VaMnangagwa vati chirongwa cheCommand Agriculture icho chakasimbaradza kurimwa kwechibage gore rino chichashandiswawo zvakare mwaka unotevera mune zvimwe zvirimwa zvakaita segorosi ne soya beans kuitira kuti nyika ive nechikafu chinoikwanira zvinozoita kuti isatenge chikafu kunze kwenyika.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vaudza vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti chirongwa cheCommand Agriculture chakaita kuti pakohwewe ma metric tonne echibage anoda kusvika kumamiriyoni matatu gore rino kunyange hazvo panga pakatarisirwa kuti pakohwewe ma metric tonne mamiriyoni maviri chete.

VaMade vati goho iri raigona kudarika apa kana varimi vazhinji dai vakawana pombi dzekudiridzira zvirimwa zvavo kunzvimbo dzisinganaye mvura zvakanaka.

Sachigaro wekomiti inowona nezvechirongwa cheCommand Agricuture muhofisi yemutungamiri wenyika, yeIntegrated Taskforce, VaJustin Mupamhanga, vaudza musangano uyu kuti chirongwa ichi chakasanganawo nematambudziko akawanda anosanganisira kuwanisa varimi mbeu nefetereza paine nguva, kushaikwa kwemichina inodiwa mukurima uye kushandiswa kwemichina yachembera pamwe nekushayikwa kweruzvo rwekurima kwevamwe varimi.

Chirongwa cheCommand Agriculture chakaparurwa muna 2012 chiine homwe yemari inoita mazana mashanu emamiriyoni emadhora.

Asi chirongwa ichi hachisi kusanyatsofamba zvakanaka nepamusana pehuori mukupihwa kwevanhu mbeu nefetereza hunonzi hwunoitwa nevamwe vakuru-vakuru muhurumende.

Nyanzvi dzinoziva zvinoitika dzinoti chirongwa ichi chinoitwa pachizivano, uye zvematongerwo enyika zviri kuiswa machiri, izvo zviri kupa kuti vanhu vanozivikanwa kuti vanotsigira mapato anopikisa akaita seMDC, vanyimwa mbeu nefotereza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG