Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Ari muNera Anoti Zec Ngaivandudzwe


Tsvangirai - NERA meeting
Tsvangirai - NERA meeting

Vatsigiri vemapato anopikisa hurumende yeZanu PF vaungana muHarare vakaita kurudziro yekuti mafambisirwo esarudzo avandundzwe munyika pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Vemapato anopikisa vaungana paFreedom Square muHarare vachiti komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inofanira kuvandudza mashandiro ayo pamwe nemafambisirwo esarudzo munyika.

Vachitaura pamusangano uyu, mutngamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vati yakwana zvino nguva yekuti ZEC ishandure mashandiro ayo vachiti semubatanidzwa wemapato aro pasi peboka riri kuzvidaidza kuti National Election Reform Agenda, kana kuti NERA, havasi kuzobvuma kuti sarudzo dzifambiswe nenzira dzinoita kuti zvido zvevanhu zvisatevedzerwe.

Mutungamiri wePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vati sarudzo dzichaitwa idzi dzinofanira kuita mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabve pachigaro vachiti yakwana nguva yekuti vachinozorora.

Vamwe vatungamiri vemapato vakaita saVaDidymus Mutasa veZimbabwe People First, naMuzvare Sifiso Sithole, veZanu Ndonga, vaudza vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti vari kutsigira kuti VaTsvangirai vave ivo vachakwikwidzana naVaMugabe vakamirira mubatanidzwa wemapato anopikisana nehurumende yeZanu PF.

Papera musangano uyu, vanhu vanga vari pamusangano uyu vafora vachipinda mudhorobha kunyange hazvo mapurisa nematare vakaramba kuti vanhu ava vafore.

Vanga vachiratidzira ava vazomhanyiswa nemapurisa asi hapana kana mumwechete watanzwa asungwa.

Zvichakadai, pane motokari mbiri dzemapurisa dzatemwa nematombo nevaratidziri ava asi hadzina kukuvara zvakanyanya.

Varatidziri ava vazonoungana pamahofisi eZec pazosvitswa gwaro renyunyuto dzemapato aya nemunyori muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, uku mapurisa anga akapakatira zvombo achirambidza veruzhinji kupinda mumahofisi aya.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti havana kukwanisa kuona sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, asi vati gwaro ravo renyunyuto ratambirwa.

Gwaro renyunyuto ramapato aya iro riri mumaoko meStudio 7 riri kukurudzira kuti paumbwe imwe komisheni inofambisa sarudzo uye kuti mitemo yose inofambisa sarudzo ivandundzwe.

Gwaro iri rinotiwo zvichashandiswa mukunyoresa vanhu sevavhoti kana kuti biometric voter registration zvinofanira kupinzwa munyika nesangan reUnited Nations Development Program sezvakambobumiranwa nemapato anopiksa pamwe nehurumende kwete kuti hurumende yeZanu PF iite izvi.

Gwaro rinotiwo komisheni iyi inofanira kuchinjwa poiswa imwe sezvo komisheni iripo iri kupomerwa mhosva yekudyidzana neZanu PF.

Hatina kukwanisa kutaura naAmai Makarau kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvichakadai, vamwe vanga vari pamusangano wanhasi vakaita saVaPromise Mkwananzi vesangano reTajamuka vanoti havasi kuzorega mavhoti achibirirwa.

Mapato anopiksa anoti sarudzo dzakapfuura hadzina kufambiswa zvakanaka kunyange hazvo Zanu PF ichiti sarudzo idzi dzakaitwa zviri pachena.

Amai Joice Mujuru nehutungamiri hwebato ravo reNational People's Party havana kubatana nevamwe vavo pachitiko ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG