Accessibility links

Breaking News

Muzvare Lynda Masarira Opika Jeri Achibva Kumba


Lynda Masarira
Lynda Masarira

Murwiri wekodzero dzevanhu uye ari mutungamiri wesangano remadzimai ari munyaya dzezvematongerwo enyika reZimbabwe Women in Politics Alliance, Muzvare Lynda Masarira, vatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa nemhosva pakuratidzira kwakaitika gore rapera.

Dare ramejasitiriti rekuMbare muHarare ratura mutongo wekuti Muzvare Masarira vagare mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekukanganisa kufamba kwevanhu nemotokari kwavanonzi vakakonzeresa pakuratidzira kwakaitwa gore rapera mumusha weMufakose pakaramwa veruzhinji mabasa kwemazuva maviri.

Asi mimwe mwedzi minomwe yasendekwa parutivi vachinzi vasapare mhosva yakadai zvakare mukati memakore mashanu ari kutevera.

Dare rati pamwedzi gumi nemumwe yasara, Muzvare Masarira vanogona kuipika kana kuti vonoshanda pachena paMarlborough Clinic kubva na8 dzemangwani kusvika 4 dzemasikati kwemasvondo gumi nemaviri.

Muzvare Masarira, avo vasarudza kunoshanda pachena sezvaturwa nedare, vaudza Studio7 kuti vachapikisa kubatwa kwavo nemhosva pamwe nemutongo uyu vachiti paitwa chavati chitororo pakutongwa kwenyaya yavo.

Muzvare Masarira vakasungwa zvichitevera kuratidzira kwakaitika muna Chikunguru gore rapera mushure mekuramwa mabasa kwemazuva maviri kwakakurudzirwa nemasangano akaita se Hashtag ThisFlag pamwe neTajamuka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG