Accessibility links

Breaking News

ZACC Inoti Ichiri Kuferefeta VaCuthbert Dube


Farai Chinyani
Farai Chinyani

Komisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption Commission inoti vaimbova mukuru wePublic Service Medical Aid Society, kana kuti PSMAS, VaCuthbert Dube, vachiri kuferefetwa nekomisheni iyi.

Vachitaura nevatori venhau neMuvhuro, nhengo yekomisheni yeZACC vachiona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Farai Chinyani, vati mashoko akaburitswa nebepanhau reHerald svondo rapera ekuti komisheni yavo yaive yawana VaDube vasina mhosva mukuferefeta kwairi kuvaita, haasi echokwadi.

Bepanhau rehurumende iri rakaburitsa mashoko ekuti ZACC yainge yawana VaDube vasina mhosva mushure mekuvaferefeta.

Asi Amai Chinyani vati mashoko akaburitswa nebepanhau iri aiva asingabate nyaya dzose dzavari kuferefeta sekomisheni.

Amai Chinyani vati VaDube vane nyaya nyaya dzakawanda dzavari kuferefetwa nekomisheni yavo dzinosanganisira kusashandisa chinzvimbo chavo zvakanaka, kuba mari yePSMAS pamwe nekushandisa mari yePSMAS ichiendeswa kusangano rinowona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association kana kuti Zifa uye kusabhadhara mitero kuZimra inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora kubva muna 2009.

Nhengo yekomisheni yeZACC iyi, VaSylvester Nguni, avo vanotungamira zvekuferefetwa kwenyaya dzinowunzwa kukomisheni iyi, vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kuendesa gwaro nezvavanenge vawana mutsvagiridzo yavari kuita kuhofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende kuti VaDube vagowanikwa vachimiswa pamberi pematare edzimhosva.

VaDube, avo vakange vari chief executive wePSMAS kubva muna 1992, vanonzi vaitambiriswa mari inoita mazana maviri ane makumi matatu nematamhatu ezviuru zvemadhora pamwedzi wega-wega ($236 000) kusvika pavakazodzingwa basa muna 2014.

Zvinonziwo nhengo dzebhodhi rePSMAS raitungamirwa naVaDube dzaipihwawo mari dzekubatsirikana dzakawandisa.

VaDube vati havana chavanokwanisa kutaura nezvenyaya iyi vachiti semunhu ari kuferefetwa vanozonzi vavhiringidzana nehumbowo.

Zvichakadai, VaNguni vanoti komisheni yavo iri kuferefeta zvakare bhodhi idzva rePSMAS zvichitevera nhuna dzakawunzwa kukomisheni yavo.

VaNguni varamba kutaura zvakawanda nezvenyaya yavari kuferefeta bhodhi idzva rePSMAS iri.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro webhodhi idzva iri, VaJeremiah Bvirindi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vachinzi vakabatikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG