Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotosvorana neMapato Anopikisa


Movement for Democratic Change (MDC-T) leader Morgan Tsvangirai and Zanu PF's Robert Mugabe (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Movement for Democratic Change (MDC-T) leader Morgan Tsvangirai and Zanu PF's Robert Mugabe (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya, bato riri kutonga reZanu PF rinoti harisi kuzovandudza hwaro hwesarudzo sezviri kudiwa nemapato ari mumubatanidzwa wemapato anopikisa ari kushanda ari pasi peboka riri kuzvidaidza National Election Reforms Agenda, kana kuti Nera.

Izvo zvaita kuti paite gakava pakati peZanu PF nemapato anopikisa mushure mekunge Zanu PF yati hapana zvichagadziriswa pamberi pesarudzo sezviri kudiwa nemapato anopikisa.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo, vanoti zvekuvandudzwa kwehwaro hwesarudzo zviri kutaurwa nemapato anopikisa ari kushanda ari pasi peNera ndezvemugotsi matsuro.

VaChombo vanoti mapato anopikisa akaita seMDC anofanira kuenda kuvanhu onotsvaga rutsigiro kuti ahwinhe musarudzo kwete kuswerochema-chema zvisina maturo.

VaChombo vanoti zvekuvandudza hwaro hwesarudzo zviri kutaurwa nemapato anopikisa izvi zvinhu zviri kubva kuvachena vekunze vachiti hadzisi pfungwa dzavo idzi.

Zvichakadai, vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaSavior Kasukuwere, vanoti ivo sebato vave kutoita gadziriro yesarudzo dzemuna 2018 mapato anopikisa arere.

VaKasukuwere vanoti nekuda kwekuti vemapato anopikisa havasi kutsvaga rutsigiro kune veruzhinji pamberi pesarudzo idzi, mapato aya ngaarege kuzobata gotsi mangwana achichema arumwa nechekuchera.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vagara vachizviziva kuti Zanu PF haisi kuda kuvandudza hwaro hwesarudzo.

Kunyange hazvo MDC-T yakaparura chirongwa chekuti haisi kuzopinda musarudzo kana zvose zvinobata sarudzo zvisati zvagadziriswa chairi kudaidza kuti No Reforms No Elections, VaGutu vanoti vane chivimbo chekuti kushanda kwavari kuita seNera panyaya dzekuti mitemo inobata sarudzo ivandudzwe, kunogona kubudirira zvikaita kuti vazoponda musarudzo idzi.

Mapoka ese eMDC nemamwe mapato akaita sePeople’s Democratic Party haasi kupinda musarudzo dzema by-elections, achichema nerekuti mitemo yose inobata sarudzo inofanira kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mapato aya anotiwo madzishe, masoja pamwe nemapurisa havanire kuve nechekuita nekufambiswa kwesarudzo.

Mapato ari muNera anoti sarudzo idzi dzave kufanirwa kutungamirwa nesangano renyika dziri mumubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC richishanda nepamwe chete neAfrican Union pamwe neUnited Nations.

Asi VaChombo vanoti vekunze havafanire kupindira musarudzo dzemuZimbabwe sezvo vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira uye inokwanisa kuita sarudzo dzayo yoga pasina vekunze vanopindira.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yakabiririrwa zvemhando yepamusoro-soro musarudzo dzemuna 2013 saka nokudaro bato iri rinotiwo zvose zvine chekuita nesarudzo zvinofanira kuvandudzwa sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa kuitira kuti sarudzo idzi dzigoitwa zviri pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG