Mufundisi wesvondo yeRemnant Pentecostal Church yekuKariba, VaPatrick Mugadza, vasungwa muHarare neMuvhuro mushure mekunge vaudza nyika kuti vakaudzwa naMwari kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa gore rino.
Vagari vemuHarare vakaita saAmai Primrose Gwashu vanogara mumusha weveruzhinji weMbare vanoti vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera mvura ine tsvina yavari kunwa yavanoti iri kubuda mupombi dzekanzuru.
Vaimbova mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kuvandudza nyaya dzekurima pamwe nekuvhura maindasitiri kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.
Dare repamusorosoro reConstitutional Court rakatarisirwa kunzwa chikumbiro chakasvitswa kudare nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru chekuti ma bond notes anzi haasi pamutemo munguva pfupi iri kutevera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChipiri manheru vakananga kuSingapore kuzororo ravo repagore richatora mwedzi wese.
Veruzhinji muHarare pamwe nevemabhizimusi vanoti bhajeti raturwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, rine zvimwe zvakanaka pamwe nezvimwe zvinoita kuti hupfumi hwenyika husasimukire.
Vagari vemuHarare vakaita saVaWarship Dumba vanoti hapana chavanzwa chine musoro chataurwa nemutungamiri wenyika muparamende
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House neChina mangwanani, VaTsvangirai vati hurumende inofanira kutaura neSouth Africa kuitira kuti ishandise mari yenyika iyi.
Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende.
Masangano anoshanda akazvimirira anoti anofanira kushanda zvakasimba kuti azeye zviri kunetsa munyika neveruzhinji pamberi pesarudzo dzemuna 2018 kuitira kuti munyika muve neshanduko.
Veruzhinji muZimbabwe vanoti vari kurwadziwa nekushayika kwakaita vaimbova mutungamiri weCuba VaFidel Castro vachiti vakaitia mabasa akakura kwazvo kusimudzira Zimbabwe.
Veruzhinji muHarare vanoti havasi kufara nezvave kuitwa nevezvimwe zvitoro zvekunzi vatenge nemari chaiyo pakutenga zvimwe zvinhu kwetese kushandisa makadhi ekubhanga.
Mumwe wevanga vachitungamirira kuratidzira kwanga kuchida kuitwa nhasi nemasangano ariku pikisana nehurongwa hwekuunzwa kwema bond notes, VaPatson Dzamara, vanonzi vakapambwa nemusi weChina manheru vakaitwa kafiramberi nevarikufungidzirwa kuti vasori.
Vachitaura pamberi pechita chavanhu vakapinda svondo kuchechi yavo iri kuWaterfalls muno muHarare neChitatu manheru, VaMagaya vakati vavakutyira hupenyu zvichitevera kukwanikwa kwavanoti kwakaitika girinedhi kuchechi kwavo muzuva ravasina kudoma pamberi pekereke.
Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza nyaya yehuwori pamwe nekusatakurwa kwemarara munzvimbo zhinji dzeguta iri.
America iri kuita sarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva nhasi zvizvarwa zveZimbabwe zvine mawonero akasiyana-siyana pamusoro pesarudzo idzi pamwe nezvirango zvakamerwa VaRobert Mugabe nevamwe vavo vari muZanu PF.
Vemasangano akazvimirira vakabvumirana neMuvhuro kuti vataure neveruzhinji kuti varambe mabond notes ari kuda kuparurwa ne hurumende mwedzi uno.
Izvi zvinotevera musangano waitwa pakati pemakurukota emapazi akasiyana-siyana ehurumende idzi wanga uchidaidzwa kuti bi-national commission unove wekutanga wakadai kuitwa nenyika mbiri idzi.
America inowanzotsoropodza sarudzo dzemuZimbabwe ichiti hadziitwe zvine hutongo hwejekerere uye kuti bato riri kutonga reZanu PF rinobira sarudzo.
Nhengo dzeboka revechidiki mu MDC-T pamwe nenhengo dzeTajamuka nhasi dzaenda kumahofisi eGurukota revedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo dzichiti dzanga dzichida kuvasunga nemhosva yekuita huori nemari yeZimbabwe Manpower Development Fund (ZIMDEF). Thomas Chiripasi anotipa nyaya iyi.
Rodhai zvimwe