Mutungamiri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries VaWalter Magaya vanoti vave kutyira hupenyu hwavo mushure mekunge vawana kuchechi kwavo kuine girinedhi.
Vachitaura pamberi pechita chavanhu vakapinda svondo kuchechi yavo iri kuWaterfalls muno muHarare neChitatu manheru, VaMagaya vakati vavakutyira hupenyu zvichitevera kukwanikwa kwavanoti kwakaitika girinedhi kuchechi kwavo muzuva ravasina kudoma pamberi pekereke.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, VaIgnatius Chombo kuti tinzwewo divi ravo panyaya.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati nyaya iyi yanga isati yasvika munzeve dzavo.
Zvichakadai, VaMagaya vanoti vave kutyira hupenyu hwavo.
Vanoti havasi kufara nechitsotsi chiri kuitwa nemamwe makurukota ehurumende avasina kudoma nemazita.
Semuenzaniso, vanoti vakaedza kuti vabatsire hurumende nemari inoita mabhiriyoni mana emadhora kuti ishandiswe mukugadzira mugwagwa unobva kuHarare uchienda kuBeitbridge asi rimwe gurukota ravasina kudoma nezita rakati rinoda mari inoita mamiriyoni makumi mashanu yechiokomuhomwe.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinowona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.
Zvichakadaro, VaMagaya vanotiwo vari kushungurudzwa zvikuru nevari muhurumende vakakurudzira nhengo dzesvondo yavo kuti dziise masiginecha pagwaro renyunyuto ravachada kusvitsa kuhurumende.
Vanotiwo chinovaradzwa ndechekuti zuva nezuva vari vari kugara vachipombodza moto ungave uchida kusimudzwa neveruzhinji vanouya kuchechi kwavo vari kugunun'una nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika asi vozobatwa nekuseri kwemawoko nehurumende.
VaMagaya vanoti vangangopinda mumigwagwa pamwe nevatendi vekereke yavo vachiratidzira murunyararo munguva shoma iri kutevera kana nhuna dzavo dzisina kuteererwa nehurumende.
Mumwe mugari wemuHarare, VaKudakwashe Matibiri, vanoti ikodzero yaVaMagaya kuti varatidzire kana kodzero dzavo dzichinge dzatyorwa.
Hurumende inowanzoshandisa chisimba pose panoitwa kuratidzira kwakadai sekuri kutaurwa naVaMagaya.