Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaRobert Mugabe Voenda Kunochema VaFidel Castro kuCuba


VaRobert Mugabe naVaFidel Castro
VaRobert Mugabe naVaFidel Castro

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe Vakasimuka munyika nemusi weMuvhuro manheru kuenda kuCuba kunochema mutungamiri wenyika iyi VaFidel Castro avo vakashaya nemusi weMuvhuro.

Veruzhinji muZimbabwe vanoti vari kurwadziwa nekushayika kwakaita vaimbova mutungamiri weCuba VaFidel Castro vachiti vakaitia mabasa akakura kwazvo kusimudzira Zimbabwe pamwe nedzimwe nyika dziri muAfrica kunyange hazvo vachiti pane zvaitadzwa naVaCastro.

Vagari vemuHarare vakaita saVaGibson Machaya avo vanotsigira bato reZanu PF, vanoti VaCastro munhu akashanda zvakasimba zvakaita kuti Zimbabwe ibudirire munyaya dzedzidzo pamwe nehutano.

Vanhu vekuVietnam vochema VaCastro
Vanhu vekuVietnam vochema VaCastro

Nhengo yeparamende yeMDCT, Amai Ronia Bunjira, vanoti kunyange hazvo VaCastro vakabatsira nyika dzakawanda, vanga vari munhu aityora kodzero dzezvizvarwa zvenyika yavo.

Vaimbomirira Zengeza West muparamende, VaCollin Gwiyo avo vaimboshanda nesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, vaudza Studio 7 kuti VaCastro munhu aive nemafingiro akasiyana nevamwe vatungamiri vazhinji muAfrica.

VaGwiyo vati pane zvidzidzo zvakawanda zvinokwanisa kudzidzwa neZimbabwe panyaya yehutungamiri vachiti VaMugabe vanofanira kutevera mutsoka dzaVaCastro avo vakasiya basa vaona kuti hutano hwavo hahuchavatenderi kuti varambe vari pachigaro.

Vanhu vemuCuba vochema VaFidel Castro muHavana
Vanhu vemuCuba vochema VaFidel Castro muHavana

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vatsinhira zvataurwa naVaGwiyo.

VaRuhanya vatiwo chidzidzo chikuru chinofanira kutorwa nevatungamiri vemuZimbabwe pamwe neAfrica yose ndechekusaita huori vachiti vaCastro vaiva munhu akati twasa.

Nyika yeZimbabwe ine nhoroondo yakasimba yekudyidzana neCuba kubva muHondo yeChimurenga apo Cuba yainatsira nezvombo nezvimwe varwi veZAPU kunyanya. Kudyidzana uku kwakaenderera mberi kunyangwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Cuba- Fidel Castro
Cuba- Fidel Castro

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaipota vachienda kuCuba uye vakagumisira muna 2002 VaCastro vasati vaenda pamudyandigere.

VaMugabe vakati panguva iyi VaCastro ndisahwira mukuru weCuba. Nyika yeCuba inotumirawo vanachiremba nedzimwe nynazvi kuzobatsira muZimbabwe. Zimbabwe yaimbotumira vadzidzi kuCuba uye nyika iyi inotumira vadzidzisi kuzvikoro zvepamusoro.

VaCastro vakatarisira kuradzikwa musi wa4 Zvita uye mutungamiri wenyika VaMugabe avo vaishamwaridzana naVaCastro vakatarisirwa kuenda kurufu urwu.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:11:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG