Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vozororera kuSingapore Nyika Ichinonga Svosve neMuromo


Va Mugabe naAmai Grace Mugabe vachicheka keke.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChipiri manheru vakananga kuSingapore kuzororo ravo repagore richatora mwedzi wese.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChipiri manheru vakananga kuSingapore kuzororo ravo repagore richatora mwedzi wese.

Asi veruzhinji pamwe nevamapato anopikisa vanoti havasi kufara nerwendo rwaVaMugabe urwu pakatariswa mamiriro akaita zvinhu munyika.

VaMugabe vakabuda munyika nezuro manheru vachienda kuSingapore kwavachange vari kwemwedzi wese apo vanenge vari pazororo.

Mutauriri wavo, VaGeorge Charamba, vaburitsa mashoko ekuti VaMugabe avo vakatakura mhuri yavo yese pamwe nevanovachengetedza vakawanda, vachazoendawo kumusangano weAfrican Union uchaitirwa kuguta guru reEthiopia reAddis Ababa pakupera kwemwedzi unouya panguva iyo vanenge vachiri pazororo.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vashora VaMugabe vachiti vari kushandisa mari yakawandisa inobva muhomwe yehurumende kuenda kuzororo kunyika iri kure zvakadaro zvinhu zvisina kunyatsomira zvakanaka munyika munyaya dzezvehupfumi.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Beaulah Chindedza, vati mari yose iri kushandiswa naVaMugabe mukufamba iyi dai yaishandiswa pane zvimwe zvinhu zvine musoro dai hupfumi hwenyika husina kupfugama sezvahwakaita.

Amai Gamuchirai Madamombe vanoti VaMugabe dai vaifamba nevanhu vashoma mari yaibuda muhomwe yenyika ingadai isina kunyanyowanda.

Asi vanotaura vakamirira bato reZanu PF muSouth Africa, VaMorelife Mapeture, vanoti hapana chakaipa kuti VaMugabe vaende kuzororo sezvo zviri zvinhu zvagara zvichizivikanwa kuti vanoenda pazororo mukupera kwegore regarega.

Vatiwo kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu panyaya dzekuti achatora matomhu kubva kuna VaMugabe ndiyani hadzingavatadzise kuenda kuzororo.

Zvichakadai, gurukota rinowona nezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushowe, vaudza Studio 7 parunhare kuti havasi kunyatsoziva kuti mari ichashandiswa naVaMugabe pavanenge vari pazororo imarii kunyange hazvo pachashanda mari yakawanda kudarika mamwe makore sezvo vachazoita basa renyika ivo vari pazororo.

Vane ruzivo nezvekufamba kwaVaMugabe vanoti mutungamiri wenyika anowanzoshandisa mari inoita mamiriyoni maviri pose paaanobuda munyika kwemazuva maviri kana matatu achienda kuSingapore.

Mari iyi yakawanda zvikuru zvekuti inogona kutenga mishonga iri kushaikwa muzvipatara nepamusana pekushaya mari.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG