Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votambira Bhajeti raVaChinamasa Zvakasiyana


Veruzhinji muHarare pamwe nevemabhizimusi vanoti bhajeti raturwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, rine zvimwe zvakanaka pamwe nezvimwe zvinoita kuti hupfumi hwenyika husasimukire.

Veruzhinji muHarare pamwe nevemabhizimusi vanoti bhajeti raturwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, rine zvimwe zvakanaka pamwe nezvimwe zvinoita kuti hupfumi hwenyika husasimukire.

Veruzhinji muHarare vanoti vari kufara nedanho ratorwa naVaChinamasa rekuvhura homwe ichawana mari kubva kumitero ichange ichibatirwa veruzhinji mukufona uye homwe iyi ichazoshandiswa mukusimudzira nyaya dzehutano nezvimwe zvakadaro munyika.

Mumwe wevanhu ava mutori wenhau, Barnabas Thondlana, uyo anoti chingazongonetsa ndechekuti mari iyi ichashandiswa zvisirizvo nevari muhurumende.

Muzvinabhizimusi ane mukurumbira, VaNigel Chanakira, vanoti mikana yavhurwa kune vari kunze kwenyika kuti vazosima mari dzavo munyika kuburikidza nehurongwa hwaziviswa naVaChinamasa hwekuti pane mitemo gumi nemitatu iri kuda kuvandudzwa kuitira kuti vanhu vakwanise kuita mabhizimusi avo zviri nyore.

Asi mutungamiri wesangano reZimbabwe Economics Society, VaLovemore Kadenge, vanoti kana mutemo wezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema usina kuvandudzwa, hapana wekunze anoda kuzosima mari yake munyika.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano reGrain Millers Association, VaTafadzwa Musarara, vanoti vafara zvikuru nekubviswa kwaitwa nyaya dzemarezenisi pakupinzwa kwefurawu munyika.

Vaimbova mutungamiri wesangano reAffirmative Action Group, Davison Gomo, vanoti hapana chinofamba pahurongwa hwemari hwaturwa naVaChinamasa kana nyaya dzehuori munyika dzisina kugadziriswa.

Izvi zvatsinhirwa naVaChanakira avo vati kana mari ichishandiswa zvakanaka, zvikwereti zvine nyika kumasangano akaita seWorld Bank neInternational Monetary Fund hazvinetse kubhadhara.

Zvichakadai, VaKadenge vati nyaya yema bond notes inogona kuita kuti zvinhu zvirambe zvakamira nemusoro munyika.

VaChinamasa vati vane tarisiro yekuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu 1 point 7 percent muna 2017 kubudikidza nekurerutsa mitemo yakawanda inobata nyaya dzemabhizimusi.

XS
SM
MD
LG